Accessibility links

Breaking News

America Yopomera Russia Mhosva yeKufambisa Mashoko eNhema muAfrica neLatin America


Mutungamirti wenyika yeRussia VaVladimir Putin
Mutungamirti wenyika yeRussia VaVladimir Putin

Bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica re U.S. Department of State’s Global Engagement Center riri kushora Russia nekuparura chirongwa chinonzi African Initiative chinonzi chiri kushandiswa kufambisa nyaya dzemanyepo muAfrica muchirongwa chinonzi Africa initiative.

Russia inonzi iri kupa basa vatori venhau nevamwe vanonyora pamadandemutande kuti vanyore mashoko ekunyepa pamusoro peEuropean Union neAmerica.

Chirongwa chekutanga cheRussia chinonzi ndechekuda kuti vanhu vasaite chivimbo nerubatsiro rwuri kupihwa neAmerica munyaya dzezvehutano.

Mukuru weAfrican Initiatice ndiArtem Sergeyevich Kureyev, anova zvekare mukuru weInitsiativa-23 iyo yakanyoreswa kuti ishaande zviri panuteno kuMoscow.

Vamwe vakuti veAfrica Initiative vakatorwa kubva kukambani yeWargner yaitungamirwa naVaYevgeniy Prigozhin avo vakashaya mushure mekunge ndege yavo yadonha gore rapera.

Sangano iri rinotu mamwe mahofisi eAfrica Initiative ari kuOuagadougou, kuBurkina Faso neBamako kuMali.

Madandemutande akaita seTelegram ne“Smile and Wave” ndiwo anowanzoshandiswa neve Africa Initiative ava.

Kunze kwekutumira mashoko anonzi ndeenhemha kuAfrica, Russia iri kuburitsawo mashoko emanyepo kunyika dzemuLatin America kuti dzisatsigire Ukraine iyo iri kuda kupambwa neRussia.

Forum

XS
SM
MD
LG