Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshorwa neVamwe Vachinzi Vaenda kuMusangano wekuDubai Usina Pundutso kuNyika


VaMnangagwa Vachioneka Vatevedzeri Vavo KuHarare International Airport
VaMnangagwa Vachioneka Vatevedzeri Vavo KuHarare International Airport

Paita gakava munyika pakuenda kuDubai kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumusangano weremangwana rematongerwo enyika kana kuti World Government Summit. VaMnangagwa vakaenda kumusangano uyu vachangobva kuBotswana nemusi weSvondo.

Vamwe vehurumende vanoti irwendo rwakakosha zvikuru kunyika. VaMnangagwa nhasi vashanyira muzinda wemapurisa muDubai vakati Zimbabwe inoda kudyidzana nenyika iyi kushandisa humhizha nehumhetura mukudzivirira nyika.

Vaitawo musangano nemumwe mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika mukuyedza kutsvaga nzira dzekudyidzana.

Asi vamwe vakaita sevanotungamira sangano reCoalition for Market and Liberal Solutions VaRejoice Ngwenya vanoti kutambisa mari yenyika.

Musangano uyu urikupindwa nevatungamiri venyika dzepasi rese makumi maviri nevashanu (25), nemamwe masangano anosanganisira reWorld Health Organization (W.H.O), International Labor Organization (I.L.O), United Nations (U.N), World Bank ne International Monetary Fund (IMF).

Forum

XS
SM
MD
LG