Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuChipinge Mazana Mana Vari Kudzingwa paMisha Yavo Vomiswa Pamberi peDare


Vamwe vanhu vanodarika mazana mana vamiswa pamberi pedare muChipinge vachipomerwa mhosva yekuramba kutambira kurudziro yehurumende yekuti vabve panzvimbo yemadzitateguru avo kuti pavakwe dhorobha idzva.

Vanhu ava vanogara muward 5, kuChipinge mumusha waMunyokowere pasi paIshe Mutema.

Mapurisa alasunga vanhu ava nemusi weChishanu akati vauye kudare nhasi. Asi dare rati mapurisa haafanire kungoita vanhu vekubata nemambure asi munhu wega wega anofanira kumira nemhosva yake onyorerwa mhosva yake kana kuti "charge sheet"

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumazuva mashoma adarika, vanhu vanoda kudarika zviuru zvina vange vari kudzingwa mumisha yavo.

Pasi pemutemo vanhu vanokwanisa kumanikidzwa kutama nehurumende asi vanofanira kupijwa kumwe kwekugara uye mitemo inofanira kutevedzerwa. Kanzuru yeChipinge inoti iri kuda kutora mahekita chiuru chimwe chete kuti ivake dzimba.

Forum

XS
SM
MD
LG