Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vokurudzira Vanhu vemuAfrica Kuti Vasazvitarisire Pasi


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weBotswana, VaMokgwetsi Masisi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nemutungamiri weBotswana, VaMokgwetsi Masisi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakurudzira vanhu vemuAfrica kuti vavimbe nezvavari, kwete kutendera nyika dzekumavirira kuti dzivatungamire dzichiguma dzavaparadzanisa.

Vachitaura pakupetwa kwemusangano weFourth Botswana-Zimbabwe Bi-National Commission muguta reMaun muBotswana neChishanu, VaMnangagwa vakati vana weAfrica vakafanira kuzvivezera ramangwana ravo vega, kwete kuti vaitirwe izvi nevamwe vanhu.

“Hatingabvumire vanhu vakayambuka makungwa kuti vauye kuzotiudza kuti tigarisane sei kana kuti tizvitonge nemutoo upi,” vakadaro VaMnangagwa.

Vakaenderera mberi vachiti chidikwadikwa chekuunza kubatana pakati penyika dzemuAfrica ndicho chakaita kuti Botswana neZimbabwe dzitsvage nzira dziri nyore pakupinda nekubuda kwezvizvarwa zvadzo zvichingoshandisa zvitupa chete.

“Ndoosaka takaona zvakakodzera isu seZimbabwe neBotswana kuti tibvumidze zvizvarwa zvenyika dzedu kuti dzikwanise kupinda nekubuda zvichishandisa zvitupa,” mutungamiri wenyika vakadaro.

Musangano weZimbabwe/Botswana 4th Bi-National Commission.
Musangano weZimbabwe/Botswana 4th Bi-National Commission.

Vachitsigira mashoko aVaMnangagwa aya, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetsi Masisi ,vakatiwo hurongwa uhu hwave pedyo nekupetwa zvichaita kuti vanhu vakwanise kupinda nekubuda nyore vachishandisa zvitupa chete.

VaMasisi vakati hurongwa uhu huchabatsira kwazvo kuderedza huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe zvinosungwa nekudzoserwa kumusha nekuda kwekusava nemagwaro akakwana.

“Nzira yekuderedza kupinda kwevanhu munyika zvisiri pamutemo kushandisa zvitupa segwaro rekufambisa nekuti zvinovanikwa nyore kana zvichiyenzaniswa nepasipoti. Zvinozogozhera veruzhinji kuti vatsanangure kupinda kwavo munyika yeBotswana zvisiri pamutemo.”

Mumiri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Henry Mukonoweshuro vati hurongwa uhu huri kutarisirwa kuparurwa mumwedzi gumi nemiviri iri kutevera sezvo pachagadzirwa zvitupa zvinoverengwa nemichina kana kuti machine readable identity cards.

“Tiri kutarisira kuti mugore kana kuti one year, zvinofanira kunge zvava kubudirira. Vakuru pavanosanganozve munaFebruary 2025, zvinenge zvava zvinhu zvabvumiranwa uye zvava kushandika nazvo.”

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.
Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Gurukota rinoona nezvemari, VaMthuli Ncube, vakaudza Studio7 kuti hurumende yakatopa imwe kambani inonzi Semlex, basa rekugadzira zvitupa zvinoverengwa nemichina izvi.

“Vanhu vanoziva kuti tava nemae-passports izvovi. Pasipoti iyi ine machipi, izvo zvinotarisirwa nepasi rose kana kuti worldclass. Tichaita kudero nekuzvitupa zvakare. Zviri kuuya, muchafara mose.”

Nokuda kwekunetsa kwemapasipoti munyika, gurukota rezvemabhizimusi madiki, Amai Monica Mutsvangwa, vakati kunyewenutswa kwekufamba kwevanhu pakati peBotswana neZimbabwe kuchabatsira madzimai mazhinji anorarama nekutenga nekutengesa.

“Toziva kuti mapasipoti edu anodhura, madzimai edu akawanda havagoni kubhadhara mari dzemapasipoti. Saka, zviri kuitika ndezvekuti tiri vanhu vamwe chete.”

Musangano weZimbabwe/Botswana 4th Bi-National Commission.
Musangano weZimbabwe/Botswana 4th Bi-National Commission.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice kana kuti ZimJustice, VaTendai Rueben Mbofana vanoti nyaya iyi ichamutsa mutauro muBotswana.

“Tinotenda maruva tadya chakata nekuti tiri kuona kuti chibvumirano ichi chichatonetsa muparamende yeBotswana. Chakatotanga kunetsa nekare nekuti vekuBotswana vari kuziva kuti vakaita chibvumirano chakadaro, isuwo weZimbabwe nenhamo dzatiri kuona muno munyika, tinoswera tatowemo muBotswana. Ivo havatodi kutiona. Vari kuda kutotiona tichitobuda munyika mavo,” vanodaro VaMbofana.

Bi-National Commision iboka riri pamutemo rakavambwa pakati penyika dzeBotswana neZimbabwe kuti rifambise nekusimudzira kubatana nekushandira pamwe pazvinhu zvakasiyana-siyana.

Hapana zvibvumirano zvakasainirwana pamusangano uyu nezuro sezvo nyika idzi dziri kutarisirwa kusangana zvakare munaChikunguru wegore rino kupedzisa zvakasarira pamusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG