Accessibility links

Breaking News

Vagari Vanodarika Zviuru Zvitatu muDunhu reMasvingo Vobviswa paMisha Yavagara kweMakore


Vagari vari kubviswa mumisha yavo mudunhu reMasvingo.
Vagari vari kubviswa mumisha yavo mudunhu reMasvingo.

Vamwe vagari vanosvika zviuru zvitatu vakadzingwa munzvimbo dzavaigara mudunhu reMasvingo zvichitevera mutongo wakapiwa nedare reMagistrate Court remuMasvingo vari kuchemachema kuti havana kwekuenda sezvo dare rakavapa nguva pfupi yekuti vange vatama izvo zvaita kuti vamwe vatange kutoputsa misha yavo, vamwe vachingosiya yakadaro.

Vagari ava, avo vakatanga kusungwa nemapurisa mwedzi wapfuura pasi pechirongwa che "Operation No to Land Barons” vanoti ivo havana kwekuenda sezvo vakatora minda kumapurazi aive evachena makore makumi maviri nemana apfuura pasi pechirongwa chehondo yeminda.

Vanoti dare rakavapa mazuva manomwe ayo apera nhasi, ekuti vabve paminda iyi, iyo inonzi ndeyehurumende.

Mumwe mugari Amai Martha Mhaka, vepapurazi reClipsharm pedyo neguta reMasvingo, vanoti vari panguva yakaoma sezvo vave kusiya misha uye vasina kwekuenda.

Mumwe mugari, Amai Sekai Havadi, vari kwa Bhuka pedyo nekwaChivi,vanoti vakarasikirwa nezvirimwa zvavo zviri mumunda izvo vave kusiya zvakadaro.

vagari vari kuuchema kuti vari kumanikidzwa kusiya zvirimwa zvavo.
vagari vari kuuchema kuti vari kumanikidzwa kusiya zvirimwa zvavo.

Vagari ava vanoti vanorasikirwa nemidziyo inosvika zviuru nezviuru zvemadhora ekuAmerica pasina kuripwa nehurumende iyo yakavadzinga.

Sangano rinorirwa kodzero dzevanhu, reCommunity in Action Plartform, CAP, rinoti danho rakatorwa nehurumende kutyora kodzero dzevanhu sezvo zvisiri pamutemo kudzinga vanhu vasina kupiwa kumwe kwekuenda.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCAP, VaKudzai Mushave, vanoti magweta avo ari kumirira vagari ava kuitira kuti dare rimiswe kdzingwa kwevanhu ava.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu rakamirira CAP, VaMadock Chivasa, vanoti vari kuendesa nyaya iyi kudare repamusoro kuti kubviswa kwevanhu munzvimbo dzavagere kumbomiswa.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaCollen Maboke, vatiwo kubvisa vanhu uku kuri kutyora kodzero yevanhu iri mubumbiro remutemo yenyika yekuti munhu wese ave nepekugara.

Vamwe vari kuputsa dzimba dzavo vega.
Vamwe vari kuputsa dzimba dzavo vega.

Vachitaura nevatori venhau, gurukota redunhu reMasvingo VaEzra Chadzamira, vanoti hapana kutyorwa kwemitemo nekodzero dzevanhu sezvo ivhu rese remunyika riri remutungamiriri wenyika.

Vagari vazhinji vakadzingwa muminda yavakatorera vachena mugore ra2000 kunzvimbo dzakaita sekwa Bhuka, Clipsharm, Nemamwe pamwe neMushandike, idzo nzvimbo dzinopoteredza dhorobha reMasvingo.

Vamwe vagari vanoti kudzingwa kwavo kune chekuita nezvematongerwe enyika sezvo vachangobva musarudzo, mashoko akarambwa naVaChadzamira.

Dunhu reMasvingo rinonzi rine vanhu vanodarika zviuru gumi vakazvigarisa zvisiri pamutemo munzvimbo dzakasiyanasiyana vanofanirwa kubviswa.

Hurumende yakazivisa kuti chirongwa chekubvisa vanhu vakagara zvisiri pamutemo chichaitwa nyika yose, uye vamwe vagari vanosvika mazana matatu mudunhu reChipinge kuManicaland, vari kumiswawo pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva yekuzvigarisa zvisiri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG