Accessibility links

Breaking News

Poitwa Hurongwa Hwekuti Vatori veNhau Vabvumidzwe Kunzwa Nyaya dzeGukurahundi


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa naMambo Fortune Charumbira.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa naMambo Fortune Charumbira.

Vatori venhau vanonzi vangangobvumidzwa kutapa nhau pachange pachiitwa misangano pakati pemadzimambo nevanhu vakashungurudzwa munguva yeGukurahundi mumatunhu eMatabeleland neMidlands pakati pa 1983 na 1987.

Izvi zvabuda mushure mekupetwa kwemusangano wemazuva maviri pakati pemadzimambo nevatori venhau muBulawayo.

Musangano uyu unonzi wabuda nechisungo chekuti paumbwe komiti ine vatori venhau ichange ichishanda nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana.

Komiti iyi inonzi ndiyo ichabuda nenzira dzekuti vatori venhau vangashandwa sei , sezvo madzimambo akambenge azivisa kuti vatori venhau pamwe nemapurisa vakanga vasiri kuzobvumidzwa kupinda munenge muchiitirwa hurukuro idzi achityira kuti zvaigona kuzoita kuti vanenge vachipa humbowo vasasununguka.

Mutewedzeri wemutungamiri wekanzuru yemadzimambo, kana kuti Chiefs' Council, Mambo Fortune Charumbira, vatenda kuti ichokwadi kune pane hurongwa hwekuti vatori venhau vashande naVaMangwana vachiti zvichabuda mumusangano uyu ndizvo zvichazoteverwa nemadzimabo.

Mambo Charumbira vanoti mambo ega ega achange achishanda nechikwata chevanhu gumi nevana paanenge achisangana nevakashungurudzwa vachapa humbowo hwavo, vachiti zvikwanisiro zvose zvatove panzvimbo.

Panyaya yekuti vari kuti kupondwa kwevanhu munguva yeGukurahundi hakunganzi genocide, Mambo Charumbira vanoti hapana munhu ati awanikwa nedare redzimhosva aine mhosva yekuponda, nekudaro havagone kushandisa izwi rekuti genocide.

Mambo charumbira vatiwo hachisi chokwadi kuti dunhu reMidlands rakasiiwa pahurongwa hwekunzwa zvinobva muvanhu, vachiti vakangoona zvakakodzera kuti vatange namatunhu eMatabeleland North neSouth vasati vapinda kuMidlands.

Kurambidzwa kwakanga kwaitwa vatori venhau kunonzi kwanga kwave kupa vamwe kuti vasimbise kuti hurumende haifanire kutungamira hurongwa uhu sezvo iinewo maoko akasviba.

Mauto eFifth Brigade ndiwo ari kupomerwa mhosva yekuponda vanhu kumatunhu ematabeleland neMidlands kumakore ekuma 1983.

Hurumende yakambotanga ichiti yairwisa vakapanduki hurumende isati yazoti panogona kunge pakadeurwa ropa revasina mhaka. Hatina kukwanisa kubata VaMangwana kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG