Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vabuda MuCCC Vachiti Vave Kutanga Zvitsva


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Vaimbove mumiririri we Zengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala nhasi vazivisa kuti havasisiri nhengo yebato rinopokisa reCitizens Coalition for Change.

Asi vati vavekuenderera mberi vachishanda kurwira kodzero dzeveruzhinji munyika vakabatana nemasangano evashandi, vadzidzi, vemakereke nevamwe.

Vachitaura nevatori venhau muchiitiko chapindwawo nevashandi vakuru kubva kumizinda yenyika dzinosanganisira European Union, vaimbove nhengo dze CCC, pamwe nenhengo dze Job Sikhala Solidarity Movement; VaSikhala, vazivisawo kuti vavekuparura chikwata chezvematongerwe enyika chinopa mikana veruzhinji kuti vapewo pfungwa dzavo pane ramangwana renyika kana kuti Democratic Consultative Convention.

VaSikhala vashorawo kusungwa kwavakaitwa vachiti kwakavasimbisa kuti varambe vachirwira kodzero dzevana ve Zimbabwe nebudiriro.

VaSikhala vakapedza gore nemwedzi mipfumbamwe vari mujeri reChikurubi vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana uye vachinyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Vashorawo Zanu-PF vachiti ndiyo iri kukanganisa mashandiro emasangano akawanda anorwira kodzero dzevanhu munyika.

Mutungamiri werimwe bato rinopikisa re Democratic Party Doctor Wurayayi Zembe vanoti danho ratorwa naVaSikhala rakanaka chose.

Asi vaimbove mutevedzeri wemutauriri we CCC VaFelix Magalela Mafa vanoti zviri kuitwa na VaSikhala havaone zvichibudirira.

Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato re ZANU PF VaFarai Marapira vayambirra VaSikhlala vano kuti vasazozvipinza muna taisireva vachiti Zimbabwe inyika inoremekedza mutemo.

VaSikhala vanoti vasungwa kanodarika makumi matanhatu mumakore makumi mashanu nemaviri adarika zvavanoti zvinoratidza kuti vari kumbunyikidzwa uye vakambopambwa vakaitwa kafiramberi.

Mavhiki maviri adarika vakabatwa nemhosva mbiri yekupesvedzera mhirizhonga neyekufambisa mashoko ekunyepa. Asi vanoti vari kupikisa mitongo iyi. VaSikhala vakamboumba bato rinonzi MDC 99 mushure mekutadza kuwirirana namushakabvu Morgan Tsvangirai vakazobatana navo muna 2014.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG