Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Vave Kushaya Kodzero yeKurapwa Nekusatevedzerwa kweMutemo


Vakaremara vakawanda vari kuchema chema kuti zvipatara hazvina zvikwanisiro zvakakwana zvekuti vakwanise kuwana kodzero yavo yekurapwa.

Mamwe matambudziko ari kusangana nevanhu ava anosanganisa kushaikwa kwezvivakwa zvinokwanisa kuti vapinde muzvipatara zviri nyore kana kuti maramps, kushaikwa kwevashandi pazvipatara vanogona kutaura nevasingagone kutaura kana kuti sign language, uye kushaikwa kwezvinyorwa zvebrail zvinokwanisa kuverengwa nevasingaone.

Mumwe mugari wemuHarare akaremara, VaEnergy Mutero, vati kunyangwe mutemo weNational Disability Policy uchisungira kuti vawane kodzero, izvi hazvisi kuitwa.

Mugari wekuMasvingo ane husope Agness Gurune anoti ari kushushikanawo nekuti kuzvipatara zvehurumende hakuna michina yekuongorora gomarara repaganda.

Vamwe vakaremara vanoti pavanobatwa nezvirwere zvepabonde vanonetseka kundotaurira vashandi vekuzvipatara avo vasingagoni mitauro yavo izvo zvinozoita kuti vaende nevabatsiri vavo vanozopedzisiria vaziva zvakavanzika kwavari.

Vanoti vakaremara vanobatwa zvibharo vamwe vachinyara kuenda kuzvipatara kuti vapuwe mishonga yekudzivira zvirwere kana pamuviri vopedzisira voita vana vasina vana baba.

Vesangano rinoriwa kodzero dzevakaremara reInstitute of Community Development (ICOD), Muzvare Vongai Tinarwo, vanoti nyika ine mitemo pamapepa chete yekuti vakaremara vawane kodzero mukurapwa muzvipatara zvehuremende asi hazvisi kutevedzerwa.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwe anorwira kodzero dzevanhu vakaremara, VaHenry Chivhanga, vachiti mutemo weNational Disability Policy wakaparurwa nemutungamiri wenyika mugore ra2021 unosungira zvipatara kugadzairisa zvikwanisiro zvese zvinoita kuti vakaremara varapwe asi izvi hazvisi kutevedzerwa.

Chikamu 3.7.2 chemutemo uyu chinoti vanhu vese vane hurema vanofanira kurapwa munyika pachena uye zvipatara zvive nezvikwanisiro zvese zvinodiwa nevanhu ava.

Mambo Mugadu vekwaNyikavanhu mudunhu reMasvingo, VaCover Mugwadi, avo vasingaoni vanoti vanhu vakaremara kumaruwa vari panguva yakaoma sezvo zvipatara zvizhinji zviri kure uye zvisina zvikwanisoro zvevakaremara.

Vanotiwo vakaremara kumaruwa havana ruzivo rwekuti pane mutemo unoti vanofanira kurapwa pachena vachiti hurumende inofanira kuita zvirongwa zvekuvazivisa nezvekodzero iyi.

Vanomirira vakaremara mudare reSenate, VaIshmael Zhou vanoti kunyange hurumende iine mutemo wekuti vakaremara varapwe pachena, vari kushaiwa mishonga muzvipatara zvehurumende vozonzi vatenge kuzvitoro zvemishonga izvo zvinodhura.

Gurukota rebazi rehutano, Dr Douglas Mombeshora vakati tibate munyori mukuru webazi ravo, Dr Aspect Maunganidze avo vakati tiise mimbvunzo kuWatsapp asi havana kupindura kwemazuva matatu apuura, zvimwe chetezvo nemutauriri webazi iri VaDonald Mujiri.

Asi metevedzeri wasachigaro webodhi revakarema munyika reNational Disability Board , VaEdward Mundanga, vati bazi ravo rakagadziro gwaro reDisability policy rinogadzirisa zvichemo zve zvavanhu vakaremara panyaya dzehutano uye vakamiirira kuti richisimbiswa nemutemo uri kuvandudzwa weDisability bill uchiri mudare reparamende.

Nyanzvi munyaya dzezve hutano, Dr Phineas Makurira vanokurudzira hurumende kuti iite zvirongwa zvedzidziso kuvashandi vezvipatara nezvekodzero dzevakaremara.

Zimbabwe iri pakati penyika shoma dzemuAfrica dzine mitemo inoremekedza kodzero dzevakaremara.

Nyika inoshandawo nemasangano eUnited Nations akaita seUnesco mukusimudzira vakaremara. Zimstats inoti vanhu vanodarika zviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 914, 287 vakaremara munyika.

Forum

XS
SM
MD
LG