Accessibility links

Breaking News

Hurongwa kweKubvisa Chirango Chekutongera Vanhu Rufu Hwokonzera Gakava


Masangano anorwira kodzero dzevanhu akafanana nereAmnesty International, atambira nemufaro danho ratorwa nehurumende yeZimbabwe rekuti mutemo wekutongerwa rufu ubviswe zvachose, sezvo achiti unombunyikidza kodzero yekurarama yevanenge vatongerwa mutongo uyu.

Nezuro makurukota ehurumende akawirirana kuti mutemo wekutongera munhu rufu, unofanirwa kubviswa zvachose pamitemo yenyika. Vachitaura mushure memusangano wemakurukota ehurumende, gurukota rinoona nezvekubuditswa kwemashoko, VaJenfan Muswere vakazivisa kuti matanho akanyorwa nedare reparamende ekuti mutemo wekutongera rufu ubviswe, akagamuchirwa.

Vachitaurawo nhasi pane mumwe musangano wekudzidzisa vatori venhau nezvemitemo yekutongera vanhu rufu, mumwe wevanoona nezvekushambadzwa kwezvirongwa musangano reAmnesty International Zimbabwe, Muzvare Lucy Chivasa, vaudza Studio 7 kuti kutongera munhu rufu kutyora kodzero dzemunhu uyu.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Advocate Teererai Mafukidze, vanoshanda neboka remagweta musangano reGroup One Advocates kunyika yeSouth Africa, vanoti kutongera mhondi rufu, hakudzikisi huwandu hwevmhondi.

Asi mumwe murume wechidiki wemuHarare, VaLuke Chitsike, vanopokana naVaMafukidze, vachiti mhondi ngadziuraiwewo.

Asi vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti dzimwe nguva vanhu vanotongerwa rufu vasina mhosva.

VaZiyambi vanoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vagara vasingadi kuti vanhu vatongerwo rufu sezvo ivo vakapona nepaburi retsono munguva yeRhodesia apo vakange vatongerwa rufu vakazoregererwa.

Kuwirirana kwemakurukota ehurumende uku, kunoreva kuti mutemo wekutongerwa rufu wava kufanira kuchizeyiwa zvakazara neparamende, mushure mezvo mutungamiri wenyika oisa runyoro rwake kuti uve mutemo.

Kutaura kuno, mumatirongo mune vanhu makumi matanhatu nevatatu, vakatongerwa rufu; uyezve mugore ra2005 ndipo pakapedzisira kuuraiwa munhu aive atongerwa rufu.

Mumiriri weDzivarasekwa mudare reparamende, VaEdwin Mushoriwa, vanga varipowo pamusangano weAmnesty International uyu, vaudzawo Studio 7 kuti vane chivimbo chekuti mumwedzi mishoma iri kutevera, mutemo wenyika unenge wava kurambidza kutongera vanhu rufu.

Kana mutemo uyu ukapasiswa, Zimbabwe inenge yapindawo mugungano renyika dzinodarika zana negumi, dzinenge dzarasira kure, mutemo wekutongerwa vanhu rufu.

Kutaura kuno, mutemo wekutongera rufu uyu, unokwanisa kushandiswa bedzi, pavanhurume vari pakati pemakore makumi maviri nerimwe (21) nemakore makumi manomwe. Madzimai, kunyange vari mhondi, havatenderwi kutongerwa rufu.

Amnesty International yazivisawo kuti China, ndiyo yedzimwe nyika dzinonyanya kutongera vanhu rufu, kunyange nyika iyi ichiedza nepese painogona kuti izvi zvisazivikanwe. Dzimwe nyika dziri pamberi pakuuraya vanenge vatongerwa rufu iEgypt neSaudi Arabia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG