Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheIMF Choenderera Mberi neMisangano muZimbabwe


FILE PHOTO: The IMF logo is seen outside the headquarters building in Washington
FILE PHOTO: The IMF logo is seen outside the headquarters building in Washington

Chikwata chakabva kubhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino, reInternational Monetary Fund (IMF), icho chichange chiri munyika kwe masvondo maviri, chiri kuenderera mberi chichisangana nemapazi ehurumende, vemabhizimisi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi.

Chikwata ichi chiri kutarisa mamiriro ezvinhu munyaya dzezvehupfumi uye kuti Zimbabwe ingabatsirwe sei kugadzirisa matambudziko airi kusangana nayo.

IMF inongopanga Zimbabwe mazano, kwete kuipa mari, nekuti Zimbabwe iri kukundikana kubhadhara zvikwereti zvayo zvekunze.

Bazi rezvehupfumi rakaburitsa mashoko padandemutande re’X’, yaimbonzi Twitter, richiti chikwata cheIMF chiri munyika uye chakaita misangano negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, avo vakavaudza mamiriro akaita zvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi uye zviri kuitwa nehurumende kugadzirisa matambudziko asangana nenyika.

Nemusi we Muvhuro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzezvehupfumi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDevry University ku Ohio, muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti kana Zimbabwe ichida kubetserwa neIMF inofanirwa kuita zvese zvainenge yabvumirana neIMF nekuti bhanga iri rine nyika zhinji dzariri kubetsera uye dzinotevedzera zvibvumirano zvadzinenge dzanyorerana nebhanga iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG