Accessibility links

Breaking News

Mufundisi weKutsanyisa Vanhu Mazana Mana Kusvika Vafa Omiswa paMberi peDare kuKenya


Kenya Cult Deaths
Kenya Cult Deaths

Dare rekuKenya rapomera zviri pamutemo mhosva yekuponda mumwe aizviti mufundisi Paul McKenzie nevamwe vake makumi maviri nevapfumbamwe.

Kenya Cult Deaths
Kenya Cult Deaths

MacKenzie nevamwe vake vari kupomerwa mhosva yekukonzera rufu rwevana zana nemakumi mapfumbamwe nemumwe vane mitumbi yakafukunurwa mune rimwe sango muKenya.

Mitumbi yevatendi vekereke iyi inodarika mazana mana (400) yakafukunurwa mumakomba mayainge yavigwa.

McKenzie anonzi akaudza vanhu ava kuti vanofanira kutsanya kusvika vafa kuti vakurumidze kuenda kudenga nyika isati yaguma asi ari kuramba mhosva iyi.

Pane mhosva dzakawanda dziri kutongerwa Mckenzie dziri kumatare akasiyana siyana. Mckenzie akatopomerwawo zviri pamutemo mhosva yekuita zvehutororo nekuponda muna Kubvumbi.

(Zvakawanda munyaya zvabva kunhepfenyuro yeReuters)

Forum

XS
SM
MD
LG