Accessibility links

Breaking News

ZEC Yoshandisa Mari Yakawanda Musarudzo Dzema By-Elections Vakawanda Vachitambura Munyika


Vanotengesera mumigwagwa vanoti hurumende yavawomesera nemitero yairi kuda kubva kwavari
Vanotengesera mumigwagwa vanoti hurumende yavawomesera nemitero yairi kuda kubva kwavari

Zimbabwe Electoral Commission (ZEC) yakashandisa mari inosvika mamiriyoni gumi nerimwe (US $11 million) kuita sarudzo dzemaby-elections.

Mari iyi iri kutarisirwa kuwedzera kusvika pamamiriyoni gumi nematanhatu (US $16 million) sezvo dzimwe nhengo dzedare reparamende dziri kubuda muparamende dzichitsutsumwa nezvadzinoti zviri kuitwa nehurumende nebato reZANU-PF mukupindira mumashandiro ebato rinopikisa, reCitizens Coalition for Change. Asi bato reZanu-PF riri kuramba kuti ndiro rakonzera kupatsanuka kweCCC. Sarudzo idzi dziri kuitwa panguva iyo vanhu vanodarika mamiriyoni maviri nezviuru zvinomwe vakatarisana nenzara. Izvi zvinotevera kuitwa kwesarudzo dzakawanda, dzemaby-elections, zvichitevera kudzingwa kwenhengo dzebato reCitizens Coalition for Change nevari kuzviti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu.

Izvi zvapa kuti nyika itatarike. Sangano reConsumer Council of Zimbabwe riri kuyambirawo kuti mitengo yezvinhu ichatanga kukwirazve sezvo mitero pakutenga zvimwe zvinhu zvekudya kunze kwenyika yakadzoserwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube.

Imwe nyanzvi munyaya dze zvehupfumi, vari mutevedzeri wasachigaro webhodi resangano reGovernors for UTC, kuSalford kuBritain, Muzvare Chenayi Mutambasere, vanoti kunyangwe vanhu vakawanda vari kunonga svosve nemuromo, vanhu vakawanda vachishaya zvekudya, hurumende iri kusimbaradza nyaya yekuti itonge kusvika madhongi amera nyanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG