Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Zvirango Zvekusatengesera Zimbabwe Zvombo Hazvisi Kuzobviswa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekuEurope, reEuropean, rawedzera zvirango zvarakatemera Zimbabwe Defence Industries izvo zvinonzi nevanoongorora zvematongerwo enyika zvinoratidza kuti hurongwa hwehurumende hwekugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika kana kuti re-engagement hausi kushanda.

Mumashoko kuvatori venhau, EU yati ichazozeya zvakare zvirango izvi musi wa 20 Kukadzi gore rinouya, asi yati icharamba ichiongorora mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvikuru panyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu. Gungano iri rati ZDI iri pazvirango sezvo ichigona kushandiswa kutenga zvombp zvinozoshandiswa kumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika zvakare vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti vaudza Studio 7 kuti zvaitwa neEuropeana Union zvinoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kubudirira panyaya dzayo dzekutsvaga hushwamwari enyika dzekunze.

Pavakatora mhiko yekutungamira mushure mekupidigurwa kwehurumende yamushakabvu Robert Mugabe nemauto, VaMnangagwa vakati donzvo ravo raive rekuumba hukama nenyika dzainge dzakatemera vamwe vakuru vehurumende zvirango dzakaita seAmerica nedzimwe dziri muEU.

VaSauti vatiwo Zimbabwe haigoni kubudirira pakutsvaga hushamwari nedzimwe nyika dzakaita sedziri muEU nana America kana isingakoshesi kodzero dzevanhu.

Mutauriri wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimiriria munyika reCrisis Coalition in Zimbabwe, Maverslous Khumalo vati havana kushamiswa nedanho reEU vachiti vanhu vari kumbunyikidzwa munyika uye sarudzo dziri kubirwa munyika.

EU yakazivisa pakapera sarudzo kuti hayaizobatsira Zimbabwe Election Commission nemari sezvo vanoongorora sarudzo munyika nekunze vakati komisheni iyi yainge yakundikana kuita sarudzo dzakachena.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reAfrica Cause Trust, VaElton Ziki, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa neEU zvinoratidza kuti nyika dziri mugungano iri dzine humbimbindoga.

Vaenderera mberi vachiti danho reEU rinopa Zimbabwe chidzidzo chekuti inofana kushanda nesimba kwete kumirira kubatsirwa nenyika dzekuEU nedzimwe dzakaitemera zvirango.

Mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba muhurukuro neStudio 7 vakamboti kana veAmerica neEU vakaramba vakatsika madziro panyaya yezvirango, Zimbabwe inotsvaga vamwe vana sahwira. Izvi zvinotsinhirwa nemutauriri webato riri kutonga reZanu-PF VaChris Mutsvangwa.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Doctor Frederick Shava, vati vange vasiri muhofisi. EU inoti haina kana munhu mumwe chete wayakatemera zvirango uye hazvikanganise hupfumi hwenyika kana kumisa nyaya dzekutengeserana. Zvirango izvi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende kutanga muna 2002 vachipomerwa mhosva yekubiririsa sarudzo.

EU yakatemera Zimbabwe zvirango zvehupfumi muna2002 nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu pamwe nekuita sarudzo dzisina kujeka. America iyo yakatemerawo vamwe vakuru venyika zvirango yakazivisa muhurukuro neStudio 7 kuti havachabatsire Zimbabwe kuti ikanganwirwe zvikwereti nekusafambisa sarudzo zvakanaka.

Asi hurumende inoti yakatemerwa zvirango mushure mekunge yatora minda kubva kuvachena ichipa varombo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG