Accessibility links

Breaking News

Sarudzo dzemaBy-Election Dzinosangana neVanhu Vashoma Vabuda Kunovhota


By-Election
By-Election

Sarudzo dzema by-election dzekutsvaga vachatsiva zvigaro zveparamende zvanga zvisina vanhu dzaitwa mumatunhu matanhatu anoti Phelandaba-Tshabalala, Mkoba North, Chegutu West, Zvimba East, Seke neGoromonzi South, vanhu vachinzi vabuda kunovhota vanga vari vashoma.

Kunyange hazvo vanhu vabuda vanzi vanga vari vashoma, Zimbabwe Electoral Commission yazivisa kuti sarudzo idzi dzaitwa murunyararo.

Sarudzo dzekutsiva zvigaro zvemakanzura makumi maviri dzaitwawo mumatunhu gumi nemaviri anosanganisira ari muHarare.

Sarudzo idzi dziri kuuya zvichitevera kudzingwa kwenhengo dzeparamende nedzemakanzuru nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru we CCC, VaSengezo Tshabangu.

Nyanzvi mune zvesarudzo, vachitaura vakazvimirira, VaJack Pedzisai Zaba, vanoti vanhu havana kubuda nehuwandu nechikonzero chekuti vane kunyunyuta nekudzingwa kwakaitwa vanhu vavakanga vakavhotera muna Nyamavhuvhu gore rapera nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubato rinopikisa reCCC.

Zviri kubuda zvatanga kuziviswa, vatsigiri veZanu PF vachiti vanotarisirwa kuti bato ravo riri kuwana zvigaro zvenoripa simba muparamende, kana kuti Two-Thirds.

Asi vamwe vanoti izvi hazvinakire nyika sezvo Zanu PF ichizowana masimba ekushandura mitemo painodira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG