Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanobvisa VaMutsvangwa paChigaro cheGurukota rezveVakarwa Hondo


VaChris Mutsvangwa
VaChris Mutsvangwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vabvisa VaChristopher Mutsvangwa pachigaro chekuve gurukota rinoona nezvevakarwa hondo yerusununguko, kunyange hazvo pasina zvikonzero zvaziviswa.

VaMutsvangwa ndivo zvakare mutauriri weZanu PF vari zvakare mutungamiri wesangano rinomirira vakarwa hondo yerusununguko.

Aka hakasi kekutanga kuti vaMutsvangwa vadzingwe kana kusiiswa chigaro muhurumende.

Muna 2018, vakabviswa pachigaro chekuve chipangamazano chemutungamiri wenyika, kuchitiwo muna 2016 VaMutsvangwa vakabviswa pachigaro chegurukota rezvevakarwa hondo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti hazvishamisi kuti VaMnangagwa vabvisa VaMutsvangwa pachigaro vachiti munhu asina maturo.

“VaMutsvangwa vanga vachiramba kuita sarudzo dzema war veterans. Kubva pavanopinda pachinzvimbo ichi vanga vave kutozviita ivo gogodera, vave kunetsana nema war vets kuMatabeleland, vave kunetsa nema war vets nyika yese, vachirambira pachigaro, vachizviita Ayatollah wema war veterans,” vanodaro Doctor Ruhanya.

Vanoti sekuona kwavo, vakarwa hondo vari muchiuto nemamwe mapazi evasori nemuchipurisa vanogona kunge vakazoenda kuna VaMnangagwa kuti vapindire, izvo zvakazoita kuti mutungamiri wenyika ave nesarudzo mbiri, yekudzinga VaMutsvangwa kubva muhurumende kana kuti vorasikirwa nerutsigiro rwevakarwa hondo.

Asi Doctor Ruhanya vanoti havawirirane nemaonero ekuti VaMutsvangwa vari kuda kutora masimba ekutungamira bato reZanu PF kana nyika, vachiti "Aiwa, kuarsika ikoko. Zanu PF ine nzira dzayo dzekuita zvinhu. Hatingataure kuti VaMutsvangwa vangaita mutungamiri wenyika VaChiwenga varipo."

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo musangano revakarwa hondo reZimbabwe's National Liberation War Veterans Association (ZNLWVA) muri kunzi mune kusawirirana kwakonzera mapoka maviri, rimwe boka rinotsigira VaMutsvangwa, nerimwe rinonzi rinotungamirirwa nevari kuzviti ndivo mutungamiri wesangano iri mutsva, VaAndreas Ethan Mathibela.

Chikwata chaVaMathibela chinonzi chiri kuti nguva yehutungamiri hwaVaMutsvangwa yakapera muna 2019.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG