Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanocherechedza Zuva reKuberekwa Vachiti Havasi Kuzozorora Kushandira Ruzhinji


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Vaimbove mutungamiri webato guru rinopikisa reCCC, VaNelson Chamisa, vapemberera kusvitsa makore makumi mana nematanhatu ekuberekwa, vachivimbisa kuti havasi kuzozorora kushandira ruzhinji, kusvika Zimbabwe yadzokera kuita nyika inoerera huchi nemukaka.

Vachitaura neStudio neChishanu muHarare, VaChamisa vati kana vachitarisa nhoroondo yekwavakabva, vane zvidzidzo zvakawanda zvavawana, kunyanya munyaya dzezvematongerwo enyika.

"Zvandakaona zvikuru ndezvekuti kana muri mune zvematongerwo enyika, siirai pehukama. Hapafaniri kuita kuvavana nebopoto asi kunzwanana. Chimwe ndechekuti, kana uri mutungamiri, unofanira kuisa Mwari pamberi nekuti vanhu vese ndevaMwari.

"Ndinonzwa vanhu vanogara vachinditi ndinonyanya shoko raMwari, nekuti ndinoziva kuti rakasimba kudarika zvombo zvehondo. Tingapesane maonero, asi ngatiitei izvi pasina mhirizhonga. Ndizvo muchiona vanhu pavanoti ngatiratidzirei, ini pamwe pacho ndikaona kuti panogona kudeuka ropa, ndinoti kwete."

VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Vaendererawo mberi vachiti Zimbabwe yava kuzodirwa tsvigiri muchinguva chidiki chinotevera.

"Vanhu vakabata basa guru musarudzo dzadarika, chasara kuti zvizadzikiswe zvido zvavo. Canaan iri pedyo, asi kungoti kana usina mhino dzeCanaan, haunzwi munhuwi wayo. Rwendo rwedu rwakanaka zvikuru, vanhu ngavafare. Mandinofamba munyika umu, ndinofara nekuti vanhu vari kuratidza kuziva zvinoda kuitwa."

Asi mumwe wevanotungamira vechidiki muZanu PF, VaTaurai Kandishaya, vanoti ihope dzemuchando kana VaChamisa vachifunga kuti ndivo vachaendesa nyika ino mberi.

"VaChamisa vane dzimba nemota dzemhando yepamusoro; tikavabvunza kuti vakazviwana sei zvinhu izvi, tinoona kuti vakakwanisiswa nehutongi hweZanu PF, inogadziridza hupfumi hwenyika. Kana vachifunga kuti ndivo vachasimudza Zimbabwe, kurota ikoko, kwemunhu apererwa nehupenyu munyaya dzezvematongerwo enyika."

VaHerbert Chamuka, mutungamiri werimwe bato rinopikisa rePeople’s Unity Party vapawo pfungwa dzavo vachiti havaoni VaChamisa vachine mukana wekusimuka zvekusvika pakuturura nyika kubva mumaoko eZanu PF.

"VaChamisa ngavasiyane nekupinza Bhaibheri munyaya dzezvematongerwo enyika. Vanhu kana vaungana kumisangano yavo, havasi kuda kunzwa shoko raMwari, nekuti vanorinzwa kumakereke avo- asi vanenge vachida kunzwa kuti Zanu PF ingabviswa sei muhutongi sezvo yauraya hupfumi hwenyika. Handioni vachikwanisa kurwisana nebato iri- vanenge vatoriwo muZanu macho."

Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vanoti VaChamisa vachiri nemukana wakakura wekukwikwidza vachikunda mune zvematongerwo enyika.

"Kana tichitarisa zvakwanisa kuitwa naVaChamisa, zvinosanganisira kumisidzana neshumba, pamwe nekurwisana rehumbimbindoga huri muZimbabwe, tinoona kuti ndiye mumwe wevatungamiri ezvematongerwo enyika muAfrica uye pasi rese, ane remangwana rakanaka. Vane makore achiri kutarisika, vane hushingi, vane ruzivo, zvinovaita kuti kana vakaramba vakabatirira, mutungamiri wenyika yeZimbabwe mune remangwana."

Mushure mekubvunzwa kuti vachazivisa riini veruzhinji gwara ravachatora munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo vakasiya bato reCitizens’ Coalition for Change, VaChamisa vati kana nguva yakwana vachataura nzira yavo itsva.

Variko vakawanda vari kuti VaChamisa havana hurongwa hwunobatika hwekurwisana neZanu PF, asi vamwe vachitiwo ndivo vachaita Mozisi achasvitsa vana veZimbabwe kunyika yeCanaan.

VaChamisa vakabuda mubato ravakavamba reCCC svondo rapera vachiti rakanga rapindwa neZanu PF nechinangwa chekuriparadza.

Kubva kubuda kwavo mubato guru rinopikisa iri, pane tarisiro yekuti VaChamisa vane hurongwa hwekutanga rimwe bato idzva, kunyange hazvo ivo vasati vabuda pachena panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG