Accessibility links

Breaking News

High Court Inosimbisa Mutongo Unorambidza Vaida kuKwikwidza VakamiriraCCC muSarudzo dzeBy-Election


Dare reHigh Court
Dare reHigh Court

Dare reHigh Court rasimbisa mutongo waro unopa masimba kune vanozviti ndivo munyori mukuru webato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change, VaSengezo Tshabangu wekuti vanhu makumi maviri nemumwe vaive nhengo dzebato reCCC vasakwikwidza musarudzo dzema by-election dziriko neMugovera.

Dare rati mutongo uyu unosendekwa chete parutivi kana nhengo dzeCCC idzi dzakaupikisa kudare repamusorosoro reSupreme Court.

Izvi zvinoreva kuti nhengo nhatu dzaimbove mudare reparamende dziri pasi pebato reCCC dzinoti VaAmos Chibaya vaida kukwikwidza kuMkoba North, VaStephen Chagwiza vaida kukwikwidza kuGoromonzi South naVaOstalos Siziba, avo vaida kukwikwidza kuPhelandaba-Tshabalala hadzichakwikwidzi.

Makanzura makumi maviri anosanganisira kanzura weWard 18 muHarare, VaIan Makone, vamiswawo kukwikwidza nemutongo uyu.

Zimbabwe Electoral Commission yakatozivisa kuti vanhu makumi maviri nevatatu ava havasi kukwikwidza musarudzo idzi uye mazita avo haasi pamagwaro ekuvhotesa.

Mutongo uyu wauya zvichitevera chikumbiro chakasvitswa kudare iri nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, chekuti nhengo dzavakadzinga idzi dzisakwikwidza dziri pasi pebato ravo.

Mutongo weHigh Court uyu unoreva kuti bato reZanu PF rinogona kuwana zvigaro zvinodarika Two-Thirds zvarinoda muparamendekuti rive nemasimba ekushandura mitemo parinoda, zvakaita sekuchinja nguva inofanirwa kunge mutungamiri wenyika ari pachigaro nezvimwe.

Sarudzo dzeparamende dziri kuitwa Mugovera dziri mumatunhu matanhatu anoti Phelandaba-Tshabalala, Mkoba North, Chegutu West, Zvimba East, Seke Ne Goromonzi South, kuchitiwo dzemakanzuru dzichiitwa mumatunhu gumi nemaviri anosanganisira ari muHarare.

Nyanzvi yezvesarudzo vari mukuru wesangano reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatius Sadziwa, vanoti zviri pachena kuti bato reZanu PF riri kukunda sezvo pasina chichabuda kuCCC zvichitevera kurambidzwa kwenhengo dzinofungidzirwa kuti dzaigona kutora zvakare zvigaro izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG