Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muSouth Africa, VaNyajinha, Voraramiswa neBasa reKutakura Vanhu


VaGarikai Nyajinha vanotyaira motokari dzinotakura vanhu vari kuSouth Africa.
VaGarikai Nyajinha vanotyaira motokari dzinotakura vanhu vari kuSouth Africa.

Muchikamu chedu chatinotarisa zv iri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaGarikai Nyajinha vari kushanda semutyairi wemotokari ninotakura vanhu kana kuti taxi driver vari muCape Town, South Africa.

VaNyajinha, avo vanobva kuUzumba mudunhu reMashonaland East, vakaenda kuSouth Africa muna 2007 mushure mekurasikirwa nebasa ravo kukambani yeTel-One kwavaishanda.

Vasvikako vanoti vakamboshanda pane imwe hotera kwemakore masere vachizosiya vachitanga zvekutakura vanhu nemotokari yavo.

Asi sezvinozivikanwa muSouth Africa, VaNyajinha vanosangana nematambudziko ekumborambidzwa kushanda nezvizvarwa zvenyika iyi, uyewo kubirwa dzimotokari nembavha dzinenge dzakapakata zvombo.

Vanoti chinoita kuti varambe vari mubasa iri inyaya yekuti rine mari, vachiseka zvavo vachiti "Nyuchi dzine huchi ndidzo dzinoruma."

VaNyajinha, avo vane mhuri yavo ikoko, vanoti havana hurongwa hwekunotanga bhizimusi rekutakuta vanhu iri kumusha kuZimbabwe nekuda kwekusagadzikana kwehupfumi hwenyika, asi vanoti kana zvinhu zvakazoshandukawo vanenge votangira ipapo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG