Accessibility links

Breaking News

Inflation Inokwira Zvakare RBZ Ichiti Iri Kutora Matanho eKugadzirisa Hupfumi hweNyika


Mitengo yechikafu ndechimwe chezvinhu zvinonzi neZimstat zvakakwidza inflation.
Mitengo yechikafu ndechimwe chezvinhu zvinonzi neZimstat zvakakwidza inflation.

Zimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, yakazivisa neMuvhuro kuti kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation yepagore mumwedzi waNdira gore rino yakakwira kuenda pazvikamu makumi matatu nezvina zvine zviga zvisere kubva muzana, kana kuti 34.8 percent, ichibva pazvikamu makumi maviri nezvitanhatu nezviga zvishanu kubva muzana, kana kuti 26.5 percent, muna Zvita wegore rapera.

Inflation yepamwedzi yakakwirawo kusvika pazvikamu zvitanhatu nezviga zvitanhatu kubva muzana, 6.6 percent muna Ndira, ichibva pazvikamu zvina nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 4.7 percent muna Zvita wegore rapera.

Zvikuru zvinonzi neZimstat zvakakwidza inflation zvinoti chikafu, mitero yedzimba, mvura nemagetsi.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti nyika inoshandisa inonzi Blended Inflation, iyo inosanganisa mitengo yezvinhu mumadhora ekuAmerica nemitengo yezvinhu mumadhora emunyika.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, vanotiwo dambudziko riri pakuti nzira yave kushandiswa neZimstat kupima inflation, yeBlended Inflation iyi, hainzwisiswi nevakawanda.

Munyori mukuku werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kusagadzikana kwehupfumi hwenyika pasina matanho anooneka ari kutorwa nehurumende ndiko kuri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu uku.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti hazvivashamise kuti inflation yakakwira mwedzi uno sezvo chikero chemitengo yezvinhu muZimbabwe chichifambidzana zvakanyanya nekushaiwa simba kwedhora remunyika.

Asi VaGwanyanya vanoti zvavo hurumende kuburikidza nebhanga guru renyika re R-B-Z yatotanga kutora matanho ekudzikamisa hpfumi kwenyika kuburikidza nemisangano sewakagarwa neMuvhuro nekomiti inopanga mazano R-B-Z, yeMonetary Policy Committee, kunyange vasina kutaura kuti chii chakasungwa mumusangano uyu.

Kukwira kwe inflation kuri kuuya panguva iyo dhora remunyika richinzi ratonyanya kushaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Dhora rekuAmerica rinonzi rave kunetsa kuwana izvo zvoita kuti mutengo waro ukwire, zvikuru pamusika mutema, apo rinonzi riri kutengwa nemadhora emunyika zviuru gumi nezvinomwe kana kutodarika.

Hurumende yakawedzera nguva yekuti dhora rekuAmerica rishandiswe pamwechete nedhora remunyika kusvika muna Zvita 2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG