Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Shamwari dzaVaSikhala Kuita Musangano muMasvingo


VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Mapurisa muguta reMasvingo arambidza musangano wanga uchida kuitwa nhasi Mugovera muMucheke Community Hall neshamwari dzenhengo yeCitizens Coalition for Change, iri muhusungwa, VaJob Sikhala, dzeJob Sikhala Solidarity Trust.

Mutsamba kune murongi wemusangano uyu uye vari mutauriri wesangano reshamwari dzaVaSikhala, VaObert Masaraure, avo vakanga vazivisa mapurisa nezsvehurongwa hwavo hwekuda kuita musangano uyu, mukuru wemapurisa mudunhu reMasvingo Central, Chief Superintendent S. Dube vakati havasi kubvumidza kuungana kwevanhu munguva ino yechirwere che cholera, vachiti kuita izvi kunowedzera kupararira kwechirwere ichi muguta iri.

Chief Superintendent Dube vakati dunhu reMasvingo, kusanganisira muguta reMasvingo, mune dambudziko rechirwere che cholera, nekudaro magungano akaita sairori haakurudzirwe.

Hatina kukwanisa kubata mapurisa ekuMasvingo kanawo mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi kuti tinzwe zvizhinji.

Asi VaMasaraure vanoti yangove tsika yemapurisa yekuvhunduka pose pataurwa zita raVaSikhala vachiti hurumende iri kuvarambideza kuungana nekuti iri kuziva kuti VaSikhala vari mujeri zvisiri pamutemo.

CaSikhala vakasungwa musi wa 14 Chikumi, 2022 vachipomerwa mhosva dzinosanganisira kukanganisa mapurisa kuita basa ravo, kukurudzira vanhu kuti vaite mhirizhonga, nekushambadza manyepo, uye vachiri kujeri reChikurubi Maximum Prison vakamirira kupiwa mutongo pamhosva yavakabatwa nayo yekukurudzira mhirizhonga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG