Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mahere Vanosiya Chigaro cheParamende neBato reCCC


Muzvare Fadzayi Mahere.
Muzvare Fadzayi Mahere.

Vanga vachimirira dunhu reMount Pleasant muparamende, Muzvare Fadzayi Mahere, vakazivisa neChishanu kuti vasiya basa rekumiririra dunhu iri muparamende uye bato reCCC.

Kusiya chigaro pamwe nebato kwaMuzvare Mahare kunouya mushure memashoko akaburitswa nemusi weChina nevaive mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa ekuti havachisineyi nechekuita nebato vakavamba uye ravaitungamira iri.

Mumashoko avo kuvagari vemu Mount Pleasant, Muzvare Mahare vakatenda zvikuru kupiwa kwavakaitwa mukana wekumirira dunhu iri, vachiti chivimbo ichi hachisi chinhu chakutarisira pasi.

Asi vanoti vakaona zvakakodzera kuti vasiye bato iri sezvo rabvutwa nevanhu vavanoti vari kushanda neZanu PF kuti iwane zvigaro zvakawanda muparamende, kana kuti two-thirds majority.

Vakatiwo havangarambe vari kubato reCCC rine hutungamiri hwavasingazive uye zvinangwa zvisiri pachena.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzakaita semumiriri weHwange Central muparamende, VaDaniel Molokele, naVaAgency Gumbo, avo vanomirira Hatcliffe muparamende, ndevamwe venhengo dzeCCC dziri muparamende dzakatozivisa kuti dzinomira naVaChamisa, kunyange hazvo dzisati dzazivisa kuti dziri kusiya zvigaro zveparamende here kana kuti kwete.

VaChamisa vakapomera bato reZanu-PF mhosva yekuvhiringidza CCC nekudzinga makanzura nenhengo dzeparamende nemaseneta.

Asi Zanu-PF iri kuramba kuti ndiyo yakonzera kuparara kwebato rinopikisa iri.

Studio 7 yaedza kwazvo kunzwa kubva kunaMuzvare Mahere asi vanga vasiri kudaira nharembozha yavo uye vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira tisati taenda pamhepo.

Zvichakadaro, nhengo dzeCCC dziri kutarisirwa kusangana neSvondo kuti dzione kuti dzingaendesa mberi basa sei mubato iri zvichitevera kusiya chigaro pamwe nebato kwevaive mutungamiri, VaChamisa.

Forum

XS
SM
MD
LG