Accessibility links

Breaking News

Vagari vekwaMurehwa Voramba Kuparadzwa kweMakomo neKambani yekuChina


Gomo reNyaungwe riri maMurehwa.
Gomo reNyaungwe riri maMurehwa.

Vagari vemumisha yekwaMhembere, Mutsahuni, neMadziya kumaruwa ekwaMurehwa kuMashonaland East, vakatsika madziro gore rapera vachiita chirwirangwe kuitira kuti kambani yekuChina inoita basa rekuchera matombo anokosha isapinde munzvimbo mavo umo yaida kuparadza makomo mana ichichera matombo.

Kambani yeZhengshen International yaida kuparadza makomo anoti Domborembudzi, Chisena, Nyaungwe neHurekure, kuitira kuti ikwanise kutora matombo kubva mudombo guru rakaumba makomo aya ichinoatengesa kunze kwenyika.

Asi kambani iyi ichiri kufambira nyaya idzi, vagari vekumaruwa ekwaMurewa vakanzwa nezvehurongwa uhu dzokubva vatsika madziro vachiti havadi kuparadzirwa zviwanikwa zvavo.

Vamwe ambuya vanogara mujinga megomo reDomborembudzi riri mumusha wekwa Mhembere, avo vasina kuda kudomwa nezita ravo, vanoti pakatanga runyerekupe rwekutengeswa kwemakomo aya, vakatomboona vanhu verudzi rwechiChina munharaunda mavo vachingombeya mbeya.

Makambani ekuChina ari kucherawo matombo kwaZimbiru kuDomboshawa.
Makambani ekuChina ari kucherawo matombo kwaZimbiru kuDomboshawa.

“Ini ndakavaona kaviri vachipfuura nepano panzira, vachienda kunosvika kuzambuko riri kuzasi uko. Asi hatizivi kuti vakazogumira papi. Rimwe zuva takavaona vachitokwira makomo vakabata zvimwe zvimishina zvatisina kunzwisisa. Takakahadzika chose nekuvaona, nekuti nerunyerekupe rwaifamba, takabva tatofunga kuti gomo redu ratoenda,” vakadaro Ambuya vasina kuda kudomwa zita ravo ava.

Mumwe mugari wemujinga megomo reDomborembudzi, VaLearnmore Mupatsi, vanoti hazvigoni kuti makomo avo aparadzwe.

VaLearnmore Mupatsi vagere mujinga meDomborembudzi kwaMurehwa.
VaLearnmore Mupatsi vagere mujinga meDomborembudzi kwaMurehwa.

“Zviri pamutsetse wepasi pemwoyo wangu ndezvekuti ini handidi kuzvinzwa zvekupazwa kwegomo nekutandaniswa kwedu kuti tibve munzvimbo ino. Chero zvikanzi tokupai mari yakati tonokuvakirai kumwe, ini handidi nekuti zvakafanana nekunzi tipe mukadzi wako tokupa mari yakati wonotsvaga mumwe mukadzi. Ngainyararwe nyaya iyoyo. Inga takabva mukuvhota tikavhotera President, zvino vave kuda kutirasa here nekuda kwemaChina iwawa?” Vakadaro VaMupatsi.

Mumwe ari kudya marasha achiti makomo emunzvimbo iyi haafaniri kupazwa, ndiVaGodfrey Nyamasvisva.

“Makomo aya ane zvierwa, ninga, chisipiti, nezvimwe zvakawanda zvinova nhaka yedu. Hazvina pfungwa yakakwana kuti zvinzi makomo aya ava kutengeswa. Nekuziva kwedu, handioni vachikwanisa kumushandira mumakomo aya nekuti anoera. Vanoperera imomu, ngavambozviedza vaone. Ngatichengetedzei nhaka yedu neyevana vedu sezvairi, tisiyane nezviri kutaurwa izvi,” vanodaro VaNyamasvisva.

VaGodfrey Nyamasvisva.
VaGodfrey Nyamasvisva.

Studio 7 yakataurawo nevanga vachibatsira kambani yeZhengshen, kufambira mapepa ekuti vakwanise kutanga basa rekuchera matombo avanoda mumakomo aya, VaBright Chimbiro, avo vakaberekerwa munzvimbo iyi.

VaChimbiro, avo vanova nhengo yeZimbabwe Prospectors Association, uye vari chipangamazano munyaya dzekutanga migodhi muZimbabwe, vanoti kambani yevanhu vekuChina iyi haina kuzoenderera mberi nechishuwo chayo mushure mekunge vanhu vaita ruzha vachiratidza kusafara kwavo nehurongwa hwekuchera matombo kubva mumakomo aya.

“Ichokwadi kuti vaida kunoisa fekitori huru kwazvo yekukuya nekugadzira matombo eGranite, asi vakazosiyana nazvo mushure mekunge paita kusazvifarira kwandakaonawo nepamadandemutande. Zvaigona hazvo kuunza pundutso munharaunda dzatiri kutaura idzi, kunyanya mabasa munharaunda dzatiri kutaura idzi, asi vanhu veko vakaramba. Ini ndaive ndava kunzi munhu akaipa, asi handioni chandakakanganisa, nekuti ndaingovabatsirawo chete, kwete kuti ndaivakurudzira,” VaChimbiro vanotsanangura.

Gomo reChisena kwaMurehwa.
Gomo reChisena kwaMurehwa.

VaChimbiro vanoti semwana akaberekerwa munzvimbo iyi, vaida kuti vagari vataurirane nekambani iyi zvavanoda kuti zviiitwe nevaridzi veZhengshen munzvimbo mavo kambani iyi isati yatanga kuchera matombo, asi hurongwa hwavo hwakavhiringwa nevanhu vari kunze kwenyika vakatanga kuisa mashoko pamadandemutande asi vasina ruzivo nezvaiitika.

"Hurongwa hwandaiva nahwo hwaiva hwekuti kambani iyi izvipire mukuitira vagari zvavanoda. Chokutanga ndainge ndaisa pamberi nyaya yekuti kambani iyi itenge purazi rekuti vanhu ava vagariswe patsva munzvimbo itsva vaine magwaro ari pamutemo anoratidza kuti nzvimbo yavagere ndeyavo, uye kuona kuti kambani iyi yaremekedza zvose zvainenge yabvumirana nevagari zvazadziswa nguva dzose," vanodaro VaChimbiro.

Semaonero avo, VaChimbiro vanoti vanhu vemunzvimbo iyi vakarasikirwa nemukana mukuru nokuti ivo vanoziva zvinofanirwa kuitwa nemakambani anoita zvezvicherwa, uye vari mwana wemunzvimbo iyi anoziva chivanhu chose chinofanirwa kuitwa. Panyaya dzemakuva, vanoti vaizoita zvinhu zvinonakira munhu wese.

Munyori mudare raMambo Mangwende, VaCosta Gatsi, vakaudzawo Studio 7 kuti ichokwadi kuti kambani yekuChina yakasvikawo kumahofisi avo, asi vakaiudza kuti vagari vemunzvimbo yavaida kunoshandira vaive vatsika madziro.

“Ichokwadi kuti vakauya vachitaura nyaya yekunoshandira mumakomo amareva. Isu patakazviziva, mambo vakabva vaunganidza masabhuku ese vakamaudza nezvechikumbiro ichi, masabhuku akabva azviramba nekuda kwekuti vaiti makomo aya anokoshera vanogara muzvimbo maari. Isu takadzokawo tikaudza kambani iyi kuti vanhu varamba. Hatizivi kuti vakazorongeyi mushure mekunge tavaudza izvozvo," vakadaro VaGatsi.

Gomo reHurekure kwaMurehwa.
Gomo reHurekure kwaMurehwa.

Vakafanobata chigaro chemukuru anoona nezvekudzidzisa veruzhinji pamusoro pekukosha kwekuchengetedza nharaunda mubazi reEnvironmental Management Agency, VaLiberty Mugadza, vanoti EMA haisati yawana magwaro anobva kubazi rinoona nezvezvicherwa, rinovapa simba rekuti vawongorore kukanganisika kunogona kuitika kunharaunda kana kambani yeZhengshen ikapiwa mvumo yekupaza makomo emaMurewa.

VaLiberty Mugadza veEMA.
VaLiberty Mugadza veEMA.

“Nyaya iyi takanzwa nerunyerekupe kuti iri kubazi rinoona nezvezvicherwa. Asi chandingataura ndechekuti, kana zvese zvaitwa, isu seEMA tinozoita inonzi Environmental Impact Assessment, inoratidza kuti kana pakatanga kuitwa zvekucherwa, ndeapi matambudziko anogona kusanganikwa nawo nevagari vemunzvimbo iyi, uyewo, nenharaunda yacho. Asi kutaura kuno, hatisati tawana mapepa anotiwanisa simba rekunoongorora nzvimbo iyi,” vanodaro VaMugadza.

Asi gurukota rebazi rinoona nezvezvicherwa, VaSoda Zhemu, vanoti bazi ravo harisi kuziva nezvenyaya iyi uye richaiferefeta.

Gurukota rezvezvicherwa, VaZhemu Soda.
Gurukota rezvezvicherwa, VaZhemu Soda.

“Ini handisati ndava nenguva zhinji ndiri mubazi rino, saka ndinogona kunge ndisiri kuziva zvizere pamusoro penyaya iyi. Asi nekuti mataura nezvayo, tichaiongorora. Magona matizivisa," vakadaro VaZhemu.

Patazoedza kuvabata zvakare tisati taenda pamhepo pamwechete nemunyori mubazi ravo, VaPfungwa Kunaka, vaviri ava vanga vasingadaviri mbozhanhare dzavo.

Mukuru wesangano rinoshanda munyaya dzezviwanikwa zvemunyika, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Muguwu, vanoti kana hurumende ikazodzvanyirira zvido zvevanhu vekwaMurehwa ichibvumidza kambani yekuChina kupaza makomo avo, inenge yoratidza humbimbindoga.

Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu
Mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu

“Tichitarisa zviri kuitika kwaMurehwa nezviri kuitika nyika yese, tinoona kuti hurumende yapandukira vanhu kubudikidza nekunyorerana zvibvumirano nemakoronyera, ari kuzviti ari kuuya kuzosima mari munyika. Asi vanouya kuzoita mabhizimusi muno, tinoziva vachigara muno, uye vanosiyawo nzvimbo dzavari kushandira dzava nani. Asi handizvo zviri kuitika nemaChina, nekuti vari kuuya kuzoparadza nharaunda nezvierwa zvemuno. Saka vari kushanda pamwe chete nehurumende kubira nyika,” vanodaro VaMaguwu.

Runyerekupe rwekutengeswa kwemakomo ekwaMurewa aya rwakatanga muna Chikunguru gore rapera, zvakakonzera bongozozo nekusagadzikana muvagari vemunzvimbo dzakapoteredza makomo aya.

Hurumende iri kushorwa nevanhu vakawanda, kuti iri kuramba ichipa makambani ekuChina, mvumo yekuchera zviwanikwa zvemuno, asi makambani aya anonzi haana chinobatika chaanowanisa nharaunda dzaanenge achishandira, vamwe vachitiwo vakuru vakuru vemkambani aya vane hutsinye.

Kambani ye Zhengshen yakanyoreswa zviri pamutemo muZimbabwemuna Chikumi gore rapera, uye ine vakuru vasere vose vari vizvarwa vekuChina.

Zhengshen International ine muzinda wayo mukuru ku Hong Kong

Makomo eChisena (L) neNyaungwe (R) ari kwaMurehwa.
Makomo eChisena (L) neNyaungwe (R) ari kwaMurehwa.

Makomo anoti Domborembudzi, Chisena, Nyaungwe neHurekure, anonzi anoera, uye anobatsira nharaunda dzakaakomberedza nezvinhu zvizhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG