Accessibility links

Breaking News

ICJ Inopa Mutongo Unokurudzira Israel Kusauraya Vanhuwo Zvavo vechiPalestine muGaza


Vatongi vedare reInternational Court of Justice kuHague, kuNetherlands.
Vatongi vedare reInternational Court of Justice kuHague, kuNetherlands.

Dare reInternational Court of Justice, ICJ, riri kuHague kuNetherlands rapa mutongo unoti mauto eIsrael anofanirwa kutora matanho ose anodzivirira kuurayiwa kwevanhu vechi Palestine vari muGaza Strip.

Mutongo uyu unotarisirwa kuunza kugadzikana muGaza kana Israel yakautevera, asi dare reICJ rinonzi harina masimba ekumanikidza Israel kutevera mutongo uyu.

Asi kunyange hazvo paita mutongo uyu, mutungamiri wehurumende yeIsrael, VaBenjamin Netanyahu vati nyika yavo icharamba ichienderera mberi nehondo yekudzivirira vanhu vayo.

Varambawo mashoko ekuti nyika yavo iri kupara mhosva dzehondo nekuuraya vanhu vasina mhaka.

Ukuwo, mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vanotarisira kuti Israel ichamira nemutongo wedare reInternational Court of Justice wekuti inofanirwa kutora matanho ekudzivirira kuurayiwa kwezvizvarwa zvePalestine muGaza.

South Africa yakaenda kudare reICJ ichida kuti Israel imire kurwisa muGaza umo iri kunzi iri kuuraya vanhuwo zvavo ichipara mhosva dzehondo.

Dare iri rakapatsanura nyaya iyi kudziita mbiri, yekutanga iri yekuti Israel imire kuuraya vanhuwo zvavo, yepiri iri yemhosva dzehondo, iyo inonzi ichatora nguva kupera kunzwikwa nedare iri.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswanwe University kuSouth Africa, Muzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti mutemo waturwa nebato uyu ndiwo wavange vakatarisira, kunyange hazvo dare risina kuzosvika pakumanikidza Israel kutomisa hondo muGaza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG