Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Inoti Iri Kupumwa Huroyi Hwaisina Pakuparara kweCCC


APTOPIX Zimbabwe Independence Celebrations
APTOPIX Zimbabwe Independence Celebrations

Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato reZANU PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti havanei nezviri kuitika muTripple C zvapa kuti VaNelson Chamisa vakavamba bato iri vazivise ruzhinji kuti vainge vasiyana naro vachiparura gwara itsva.

VaMarapira vati zviri kutika muCCC mazvokuda mavanga enyora sezvo VaChamisa vari ivo vakakundikana kubatanidza bato ravo.

Asi VaChamisa nhasi vazivisa kuti vasiyana zvachose nebato ravakavamba makore maviri adarika vachipumha bato reZanu-PF huroyi vachiti riri kupindira nechinangwa chekuda kuriparadza. Vati mutungamiri wenyika neZanu-PF VaEmmerson Mnangagwa ndivo vakaronga dende rekuda kupondera bato ravo musagi.

Pane mashoko ekuti VaChamisa vari kuda kuparura rimwe bato idzva.

VaChamisa vati kubva mugadziriro dzesarudzo kuzvika dzapera, bato reZanu-PF range richingosimbaradza hurongwa hwaro hwehurumende yehudzvanyiriri nekumbunyikidza bato ravo richiita vamwe kafiramberi uye kutenga vamweuye kushandisa matare sembato.

VaChamisa vati zvose zviri kuda kuitwa izvi kuda kuti pashaye bato chairo rinopikisa asi pave nerinodya zvevapfupi nekureba sezviri kuitwa neZanu-PF. Vatiwo vachazozivisa munguva pfupi iri kutevera nezvematanho avachatora.

Izvi zvinotevera matambudziko ange awirwa nebato iri zvichitevera kunyika kwevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori webato iri VaSengezo Tshabangu avo vari kudzinga nhengo dzebato iri mudare reparamende, makanzuru uye muSenate vachitsigirwa nemitongo yematare. VaChamisa vati vacharamba vakamisa semusambangwena pakurwira kodzero dzevana veZimbabwe.

Mutauriri waVaTshabangu, VaKhaliphani Phugeni vaudzawo Studio 7 kuti danho ratorwa naVa Chamisa rinorwadza zvikuru uye rakonzerwa nekutadza kutaurirana pakati pehutungamiri mubato iri.

Vanoongorora nezvematongerwe enyika vakazvimiririra uye vachishanda nesangano re International Media Support Va Rashweat Mukundu vanoti danho ratorwa na Va Chamisa rakanaka nekuti ruoko rweZANU PF kuburikidza na VaTshabangu rwange rwavhiringidza bato iri.

Izvi zvatsinhirwa nenyanzvi inoongorora nezvematongerwe enyika vachitungamira bato rinopikisa re Democratic Party, Dr Wurayayi Zembe.

Asi vamwe vakagara vayambira VaChamisa kuti kuda kuita bato risina hutungamiri hwakajeka ndiko kwakavhurira Zanu-PF mukana. Asi mhosva iri kupomerwa hurumende yekumbunyikidza vanopikisa.

Aka hakasi kekutanga VaChamisa vachimanikidzwa kuumba rimwe bato, mushure mekunetsana naVaDouglas Mwonzora nevamwe muMDC, VaChamisa vakamanikidzwa kuvamba bato reTripple C.

Forum

XS
SM
MD
LG