Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eAfrica Cup Of Nations Osvika Muchikamu Chepiri (Round Of 16)


Mitambo yeAfrica Nations Cup yasvika muchikamu chechipiri kana kuti Round of 16 nyika dzakabudirira dzave kurwira kupinda mumaquarter fainari.

Panyika gumi nenhatu dzasara, dzakawanda dzacho dziri kunyika dzekumawirira kweAfrica, ina chete ndidzo dziri kuchamhembe kweAfrica dzinoti, South Africa, DRC, Namibia neAngola.

Muchikamu chechipiri ichi, zvikwata izvi zvaiswa mumagungano maviri kana kuti brackets.

Mugungano rekutanga, Nigeria iri kutamba neCameroon, Mali iri kutamba ne Burkina Faso. Angola iri kutamba neNamibia ukuwo Senegal ichitamba neIvory Coast.

Nhasi tiri kuzeya nezvegungano rekutanga iri kana kuti first bracket.

Mitambo yemugungano iri iri kutambwa nemusi weMugovera. Zvikwata zvichange zvichitatsurana mumitambo yemusi weMugovera zvinoti Angola ne Namibia kune divi rimwe kune rimwe divi Nigeria icha kweshana ne Cameroon.

Nemusi weChipiri pane mitambo yegungano rechipiri kana kuti (second bracket). Mugungano iri, Cape Verde iri kutamba neMauritania, Egypt iri kutamba neDRC, Morocco iri kutamba neSouth Africa uye Equatorial Guinea ichitamba neGuinea.

Vatsigiri venhabvu munyika vanoti varikufadzwa nekutamba kwakaita zvikwata zvemuSADC izvo zvakakwanisa kupinda mugungano iri.

Muwongorori wenhau dzemitambo Thandazani Zimbwa anoti vatsigiri venhabvu munyika vachange vakamirira nemaziso matsvuku mitambo iyi sezvo mukombe wegore rino unokwanisa kutorwa nechikwata chisati chave nemukurumbira zvichitevera kuenda kumba kwakaita zvikwata zvikuru zvakaita seGhana neAlgeria.

"Vatsigiri vazhinji vanoshuwira kuti dayi maWarriors akwanisawo kupinda mumakwikwi anotevera nekuti matimhu zazhinji asina mukurumbira arikudonhedza mimwe mukono inemukurumbira yakato dzokera kumisha dzavo mumakwikwi aya." Zimbwa audza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG