Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Voshamiswa neDanho raVaChamisa Rekucheka Ukama Hwavo neBato Ravakaumbwa reCCC


Vanga vari mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.
Vanga vari mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa.

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika pamwe nevanoongorora zvermatongerwo enyika vanoti vashamiswa zvikuru nedanho raziviswa nevanga vari mutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, rekuti vasiya bato iri kunyange hazvo vasina kutaura kuti remangwana ravo mune zvematongerwo enyika richange rakamira sei.

Kunyange hazvo paine fungidziro yekuti VaChamisa vane hurongwa hwekuumba rimwe bato, nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology kuSouth Africa, Muzvinafundo Munyaradzi Ricky Mukonza, vanoti kana VaChamisa vakasagadzirisa matambudziko akaita kuti vasiye bato ravakambotanga kutungamira reMDC vachinoumba reCCC havana chavanenge vagadzirisa.

Muzvinafundo Mukonza vanoti VaChamisa vakapotsa zvikuru kusave nehutungamiri hwebato ravo hunooneka, kana kuti structures, izvo zvavanoti ndizvo zvakapa mukana kune vari kuzviti ndivo munyori mukuru weCCC, VaSengezo Tshabangu, avo vakadzinga dzimwe nhengo dzeparamende nemakanzura vavaiti vari kudyidzana neVaChamisa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti VaChamisa varatidza hugwara nekusafunga kwakadzama nekusiya kwavaita bato ravakaumba, vachiti vaita sababa wemusha anotiza musha nekuti wapinda nyoka.

Vanotiwo kana vakasagadzirisa matambudziko akavatadzisa kugara muCCC vachangotiza zvakare bato idzva ravachanoumba, vachiti kusiya kwaita VaChamisa bato reCCC kunoreva kuti VaTshabangu vahwinha sezvo vari ivo vachapiwa mari yemapato ane nhengo muparamende.

Asi iri danho raVaChamisa iri rinosiya papi veruzhinji vanga vakatarisira kuti hutungamiri hwavo kuCCC huchaunza shanduko munyika?

Muzvinafundo Mukonza vanoti danho iri rinogona kuomesera vamwe vatsigiri vaVaChamisa vasara vari kuCCC pamwe nenhengo dzeparamende nemakanzuru, idzo dzinogona kutya kutevera VaChamisa dzichitya kurasikirwa nezvigaro pamwe nezvinouya nezvigaro izvi zvakaita semari nedzimotokari.

Izvi zvatsinhirwawo naDoctor Mavaza vachiti kutevera VaChamisa kungaitwa nenhengo dzeparamende kuenge kwave kureva zvakare kuti nyika inenge yave kupinda mune dzimwe sarudzo dzema by-election.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG