Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi yezveMakombiyuta, VaMhungu, Vanoti Kunyange Artificial Intelligence Ichitora Mamwe Mabasa, Vanhu Vachine Mabasa eKuita


VaVimbai Mhungu, vanove mushandi wekambani yeIntel.
VaVimbai Mhungu, vanove mushandi wekambani yeIntel.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe, VaVimbai Mhungu, avo vanove software product manager kukambani inoita zvemakombiyuta nehumhizha hwemasaisai, yeIntel, vachishanda vari kuPhoenix mudunhu reArizona.

VaMhungu, avo vashanda pakambani iyi kwemakore gumi nemapfumbamwe, (19), vakapinda mu America mugore ra 1999.

Vanoti pari zvino vari kushanda nemafekitari vachiaratidza mashandiro anoita zvigadzirwa zvavo zvinoshanda ne Artificial Intelligence kana kuti AI, iyo yavanoti iri kufarirwa zvakanyanya nevemakambani nemafekitari mukuvandudza mashandiro avo.

Vanoti pose panouya shanduko vamwe vanorasikirwa nemabasa, asi vanokurudzira veruzhinji kuti vasaore mwoyo nekuti kwave ne AI.

"Pakauya motokari vaityaira mabhiza namadhongi vakati taakutorerwa mabasa. But, sezvamunoziva, chaidikanwa ndechekuti iwe ubva watora licence rekutyaira motokari wobva wawana rimwe basa. saka ndozviri kuitika nekuti kana AI yacho inodawo vanhu nekuti namabasa ari kuchinja shuwa. Saka kana iwe wakangogara nezvawanga uchiziva mamwe mabasa achashaikwa zveshuwa."

Semwana akabva kuvanhu, VaMhungu, vanoti vanobatsirawo mhuri yavo pamwe nevamwewo vanoda rubatsiro kumusha kwavo kuMasvingo.

“Tiri kubatsirawo zvakare kuchikoro chatakapinda cheVictoria High School kuMasvingo pasi peVictoria High School Old Students Association, VICOSA. Tinobhadharirawo vana vanoshaya mari dzechikoro,” VaMhungu vanodaro.

Vanoti vakabatanawo nevamwe vashandi pamwe nekambani yavo yeIntel kuwanisa zvikwanisiro muzvikoro zveku Kenya, izvo zviri kubatsira vana vanobva kumhuri dzisina kubudirira dzakawanda.

Muno muAmerica vanoti vanoshandawo nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kuita mabasa akasiyanasiyana ekusimudzirana kwakare kuArizona kwavanogara, kusanganisirawo kubatsira vanenge vabva kumusha vachipinda muAmerica vachinoita zvidzidzo zvakasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG