Accessibility links

Breaking News

Mutyairi weKupamba Vana vepaDavid Livingstone Primary School muHarare Akazowanikwa Ainawo kuMacheke Anosungwa


Mutayiri uyu anonzi akawanikwa mushure mekupererewa nemafuta ekufambisa.
Mutayiri uyu anonzi akawanikwa mushure mekupererewa nemafuta ekufambisa.

Vana vechikoro makumi maviri nevashanu vari kuita zvidzidzo zveECD A ne B pachikoro cheDavid Livingstone Primary muHarare vakanga vapambwa nemutyairi aivatakura kubva pachikoro nemusi weChina vanonzi vakazowanikwa kuMacheke husiku.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati vana ava vakazowanikwa mushure mekunge kombi yavaive yapererwa nedhiziri vave kuMacheke.

Mutyairi wekombi iyi, VaSamuel Honde, vane makore ekuberekwa makumi matanhatu, vanonzi vakatanga kutakura vana vepachikoro ichi mugore ra2016, uye vakasungwa nemapurisa mushure mechiitiko ichi.

VaNyathi vati mapurisa achiri kuita tsvakurudzo yekuti vaone kuti chii chakaita kuti mutyairi uyu abude muHarare nevana ava achizoguma ave kuMacheke.

Mushure mekuwanikwa kwavo vana ava vanonzi vakazoendeswa kuchipatara cheMarondera kuti vaongororwe vasati vatorwa nevabereki vavo.

Mumwe anoona nezvekudzivirirwa kwevana muzvikoro, VaMcleo Mapfumo, vanoshanda nesangano reSafe Schools Zone Zimbabwe, vanoti zvikoro zvinofanira kushandidzana nemapurisa mukunyoresa motokari nemabhazi zvinotakura vana kuitira kuti vana vagare vakadziviririka.

Vana vechikoro vakawanda vanonzi vanomanikidzwa kuzoshandisa motokari dzisina kukodzera nekuda kwekunetsa kwezvekufambisa, dzimwe nguva vana ava vachizoguma vapinda munjodzi dzaifanirwa kudziviririka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG