Accessibility links

Breaking News

Sangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust Rosimudzira Zvikoro zveKumaruwa Kuburikidza neKuwanisa Mabhuku


Vana vepachikoro cheDekezi Primary School nemukuru wechikoro vachiratidza mabhuku akabva kusangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust.
Vana vepachikoro cheDekezi Primary School nemukuru wechikoro vachiratidza mabhuku akabva kusangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi muchirongwa chedu tine hurukuro naDoctor Kudakwashe Tuwe, vanove mutewedzeri wasachigaro vesangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust, avo vari kuWellington, guta guru reNew Zealand.

Sangano reZimbabwe Rural Schools Library Trust riri kuita mabasa ekusimudzira zvikoro zvekumaruwa kuburikidza nekuumba matura emabhuku, kana kuti libraries.

Vana vepachikoro cheMarisamhuka kuMhondoro vachiratidza mabhuku akabva kuNew Zealand
Vana vepachikoro cheMarisamhuka kuMhondoro vachiratidza mabhuku akabva kuNew Zealand

Doctor Tuwe nesangano ravo vari kuunganidza mabhuku, makombiyuta pamwe nezvimwe zvikwanisiro zvinodiwa muzvikoro izvo zvavari kuzogovera muzvikoro zvekumaruwa zvemunyika. Vanoti kusvika pari zvino sangano iri rakwanisa kugovera mabhuku nezvikwanisiro kuzvikoro zvinodarika zana.

Mutewedzeri wasachigaro weZimbabwe Rural Schools Library Trust, Doctor Kudakwashe Tuwe.
Mutewedzeri wasachigaro weZimbabwe Rural Schools Library Trust, Doctor Kudakwashe Tuwe.

“Sangano iri rakaumbwa mushure mekunge taona kukosha kwekuti vana vakawanda, kumaruwa kunyanya, nyaya yemabhuku inhau yakanga ichinetsa zvikuru. Saka hurongwa nekukurukura zvakatanga mugore ra2010, then mugore ra2012 ndobva chapter yekutanga yekuZimbabwe yanyoreswa. Then gore raitevera 2013 bvatavhura chapter yekuno kuNewZealand,” vanodaro Doctor Tuwe.

Vanoti pari zvino vane hurongwa hwekuvhura chimwe chikamu chetatu kuAustralia gore rino risati rapera, kana Mwari vakavatendera.

Dura remabhuku richangobva kuvakwa naDr. Guramatunhu paSt. Peter’s Tokoyo kuNyazura.
Dura remabhuku richangobva kuvakwa naDr. Guramatunhu paSt. Peter’s Tokoyo kuNyazura.

Vanotiwo mubatsiri wesangano ravo mukuru kana kuti patron, Dr. Solomon Guramatunhu vanove nyanzvi yemaziso, vakatovakawo dura remabhuku rakanaka zvikuru pachikoro cheSaint Peter’s kwaRusape.

Doctor Tuwe vanoti sangano ravo rine hurongwa hwekuwedzera nzira dzavanobatsira nadzo vana vanoshaya kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro, sezvavanoti zviri kuitwa naAmai Tsitsi Masiyiwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG