Accessibility links

Breaking News

Hurumende yeRussia Inovhura Chikamu Chinodzidzisa Rurimi rweRussian muZimbabwe


Mabhuku ari mururimi rweRussian.
Mabhuku ari mururimi rweRussian.

Nyanzvi dzinowongorora nyaya dzezvekudyidzana nedzimwe, nedzinoongorora zvematongerwo enyika dzine miono yakasiyana-siyana pamusoro pekuvhurwa kwechikamu chekudzidza mutauro wenyika yekuRussia, kana kuti Russian, pachikoro chedzidzo yepamusoro-soro cheUniversity of Zimbabwe.

Kudzidza Russian paU.Z kwakaparurwa zviri pamutemo nemuvhuro wadarika, uye kuchange kuchiitwa kutanga mwedzi uno.

Mukuru anoona nezvedzidzo pachikoro ichi, VaMunyaradzi Madambi, vanoti kudzidzwa kweRussian pachikoro chavo, kunoenderana nedonzvo rehurumende rekukurudzira vekunedzimwe nyika kuti vauye kuzosima mabhizimusi avo muno.

“Mitauro inoita kuti vemabhizimusi vakwanise kutaurirana pasina dambudziko, naizvozvo kudzidza mitauro kwakakosha. Saka kana tichitaura zvekuti Zimbabwe inzvimbo inoitika bhizimusi chero nani zvake, zvakakosha kuti tikwanise kudzidza rudzi rweChinese, German, Russian, French kana Portuguese. Pasi rese rangova dunhu rimwechete, saka zvakanaka kudzidza mimwe mitauro.”

VaMadambi vaudzawo Studio 7 kuti Russian ichange ichidzidziswa sezvimwe zvidzidzo zvepaU.Z, uye vanoda kuidzidza vachange vachingobhadhara mari zviri kungoitwa nevamwe vadzidzi vepachikoro ichi.

Russia
Russia

Asi mashoko aVaMadambi aya, anopesana neakaturwa nemumiriri weRussia anoona nezvekuvandudzwa kwemutauro wenyika iyi, Muzvare Anastasia Khodyreva, avo vakati Russian ichange ichidzidzwa pachena, pasina mubhadharo.

Vanoona nezvekubuditswa kwemashoko kumuzinda weRussia muZimbabwe, VaEgor Kuropiatnik, vakudzawo Studio 7 kuti huvepo hwechikamu chinodzidzisa rurimi rwenyika yavo muZimbabwe, kunoratidza kusimba kwehukama pakati penyika mbiri idzi.

“Munozviziva kuti tava nemakore akawanda tichiwanisa vadzidzi vemuZimbabwe mikana yekuenda kuzvikoro zveRussia vachinodzidza mutauro wedu. Apa tazongoita kuti vadzidzire muno. Huchapupu hwekuti nyika yedu yakazvipira kuramba ichishanda nenyika yeZimbabwe. Ndinoonawo sekuti vemabhizimusi vachawana kubatsirika sezvo chikamu ichi chisiri chevadzidzi chete, asi chero ani zvake ane shungu yekudzidza chirudzi chedu.”

Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy institute, VaBekezela Gumbo, vanoti kudzidzwa kweRussian muno, kunoratidza kuti nyika yeRussia yave kuda kudzika midzi muno kuti imore hupfumi hweZimbabwe.

“Zviri kuitika apa ndezvekuti Russia yanga yakambonyarara, dzimwe nyika dzichidya, asi yazotiwo, kwete, tisu tava kufanira kumbodyawo. Britain yakauya ikadya ikaenda, izvozvi maChina anga achidyawo, ava kuenda, saka maRussians ava kuuya kuzokokotawo pasiiwa nemaChina. Saka kuti ikwanise kudya zvakanaka, inoda kuti vanhu vemunyika yavari kuda kumora vazive mutauro wavo, kuitira kuti kutaudzana kusazonetsa.”

Imwe nyanzvi inowongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese, uye vari mudzidzisi wepaBindura Unoversity of Science Education, Dr. Ronald Chipaike, vanoti havaoni ruzhinji rweZimbabwe ruchibatsirika nekuvhurwa kwechikamu chekudzidza Russian paUniversity of Zimbabwe.

VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin
VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

“Kuti hukama uhwu hubatsire munhu wese, ivowo vekuRussia vanofanira kudzidzira mitauro yedu yemuno yakafanana neShona neNdebele, kuitira kana vavakuda kutaurawo nezvizvarwa zvedu zvemuno. Kana kuri kuti isu tisu tega tiri kuzodzidza Russian, hukama hwacho haubatsiri tese. Vashoma vanogona kubatsirika nekudzidzwa kweRussian vanosanganisira avo vanoda kuzoenda kuRussia kunodzidzako, nekuti vanoenda vachigona kutaura chirudzi cheikoko. Kozotiwo vane mabhizimusi ane chekuita nezvizvarwa zvekunyika iyi, zvinotaura Russian.”

Mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vane chivimbo chekuti Zimbabwe ichapunduka kubudikidza nedanho ratorwa iri.

“Ini ndinoona sekuti kudzidza Russian chinhu chakanaka, uye changa chatononoka. Zvichatinakira munyaya dzezvekushanyirana nezdemabhizimusi nekuti kana vave kuuya kuno, vanowana tichikwanisa kutaura navo nerurimi rwavo. Ari kuwandawo mabhizimusi eRussia munyika; kana vanhu vave kunzwisisana pamutauro, zvinoreva kuti mabhizimusi aya anosimukira. Naana muzvinabhizimusi vedu vemuno, zvinovarerukira kana vave kuendawo kuRussia kunotsvaga mari.”

Nyika yeChina, ndiyo yedzimwe nyika dzakatanga kuvhura chikamu chekudzidzisa mutauro wayo paU.Z mugore ra2006, zvakatsoropodzwa nevakawanda sezvo nyika iyi iyainzi yaiparadza hupfumi hweZimbabwe.

Dzimwe nyanzvi dzinowongorora zvematongerwo enyika dzinoti danho rimwero ndiro ratorwa neRussia.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG