Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Gunyana 15, 2023


Misoro yeNhau dzeShona
Misoro yeNhau dzeShona

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoshora vekumawirira vachiti hapana chavangaudze hurumende yavo nezvehutongo hwejekerere.

Gamba renyika, mushakabvu VaJoshua Malinga, vanoradzikwa kumarinda eNational Heroes’ Acre muHarare mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe veruzhinji vachivarumbidza segamba rairwira kodzero dzevakaremara.

Mumiriri wePelandaba-Tshabalala muparamende, VaOstallos Siziva, avo vamiswa mudare vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga, vopomerwa zvakare imwe mhosva yekuti vakabvarura bepa rekutsvagisa rutsigiro remumwe wavaikwikwidzana naye munguva yesarudzo.

Zimbabwe nhasi yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rehutongi hwejekere, reInternational Day of Democracy, vanorwira kodzero dzevanhu nemapato anopikisa vachiti vanhu vari kushungurudzwa uye munyika hamuna hutongi heejekerere.

Matunhu ekumaruwa akawanda akaona vanhu vachivhotera bato reZanu PF zvine mutsindo, ukuwo Citizens Coalition for Change ichizvambura Zanu PF mumaguta musarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kukurukura nezvemashoko emutungamiri wenyika pakuradzikwa kwegamba renyika, VaJosua Malinga, ekuti Zimbabwe inyika yakazvimirira, kuradzikwa kwaVaMalinga, pamwe nekusungwa kwenhengo dzebato rinopikisa reCCC.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7:00pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Forum

XS
SM
MD
LG