Accessibility links

Breaking News

Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe Vakabudirira muZvidzidzop Zvavo vanopiwa Zvitupa


Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vapiwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo
Vadzidzi vepaUniversity of Zimbabwe vapiwa zvitupa zvekupedza zvidzidzo

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vasvitsa zvitupa zvekubudirira muzvidzidzo kuvadzidzi vanodarika zviuru zvishanu nemakumi matanhatu (5,063) vepachikoro chedzidzo yepamusorosoro, cheUniversity of Zimbabwe, pagungano rekupemberera kupiwa kwezvitupa rechimakumi mana nembiri pachikoro ichi.

VaMnangagwa, vanova mukuru wezvikoro zvepamusorosoro zveose munyika, vasvitsawo mudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa chitupa che PhD. (Doctor of Philosophy Honorary degree in Law), hurumende ichiti komiti yeUniversity of Zimbabwe yavapa degree iri nekuda kwemabasa ekusimudzira varombo avari kuita.

VaMnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa.
VaMnangagwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa.

Pavadzidzi ava, zvikamu zvinodarika zvishoma makumi mashanu kubva muzana (51.8%) vanhukadzi, kuchitiwo chikamu chingangosvika makumi mana nesere ane nezviga zviviri kubva muzana (48.2%), vanga vari vanhurume.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru wechikoro cheUniversity of Zimbabwe, VaPaul Mapfumo, vatenda VaMnangagwa zvakanyanya, vachiti vasimudzira dzidzo yepachikoro ichi nehutungamiri hwavo.

Asi aimbova mumwe wevaitungamira vesangano rinomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, reZimbabwe National Students Union, VaTapiwanashe Chiriga, vanoti vapiwa havo zvitupa zvekupedza kudzidza vadzidzi ava, asi kutambura kwakamirira vakawanda vavo sezvo kusina mabasa.

“Vadzidzi ava, vanova vechidiki vari kuzowedzera pahuwandu hwemamiriyoni evamwe vakapedza zvidzidzo zvavo vakaturika mapepa avo kumadziro nekuti hakuna mabasa. Zvinorwadza kuti vechidiki ava vakatora nguva yavo nemari dzakawanda kuwana dzidzo- asi vozopinda munyika isina mabasa, ine hupfumi husina basa nekudzidza kwavo. Vakawanda vavo vachangoturika maGown avo, votanga kuita zvinhu zvinovapa kurarama, zvisinei nezvavakadzidza.”

Ichi chirongwa chekupa vadzidzi vemuzvikoro zvedzidzo yepamusoro-soro zvitupa zvekupedza dzidzo changa chiri chekutanga chaitwa naVaMnangagwa kubva pavagadzwa kuva mutungamiri wenyika kepiri vhiki rino.

Forum

XS
SM
MD
LG