Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvakawanda Zvodzinga Vana Vasina Madhora ekuAmerica


Zvikoro zvavhurwa munyika yose nhasi zvimwe zvikoro zvichidzinga vana vasina kubhadhara mari, vabereki vakawanda vachichemachema kuti vari kunzi vabhadhare mari dzechikoro nemadhora ekuAmerica, uyewo varairidzi vachichemachema kuti mari dzavari kutambiriswa ishoma.

Zvikoro zvakawanda zvinonzi zvakatozivisa kuti zvave kuda kuti vabereki vabhadhare chikamu chakakura chemari yedzidzo nemadhora ekuAmerica nekutyira kuti dhora remunyika rinogona kushaya simba
zvakanyanya, zvinozopa kuti mari dzinenge dzaziviswa mubhajeti dzitadze kukwana.

Izvi zvinonzi zvave kupa kuti vabereki vakawanda, vakaita saAmai Tracy Musakaruka avo vane mwana anodzidza paChiredzi Christian High School, vasangane nekudzingwa chikoro kwevana vavo muzuva rekutanga chairo. “Ini semubereki handisi kuzvigamuchira nekuti tichiri kutambira maRTGS nekudzoswa kwevana kutyora kodzero dzvo kovakazorasika kana kutsikwa nemota,” Vadaro Amai Musakaruka.

Izvi zvatsinhirwawo naVaKudakwahse Ndebele Zulu vekuMatobo, avo vati kunze kwemari yechikoro vabereki vari kunetsekanawo kuwana mari yezvimwe zvikwanisiro zvinodiwa kuchikoro. VaZulu vati, “Vabereki there are not happy ndasangana nevan vachiti havna mari dzemna schools fees kana nemari dzechikafu vana varikuenda nenzara
saka pakatoipa,” VaZulu vadaro.

Ambuya Gloria Tabe, avo vari pamudya ndigere vanoti mari yavanotambira haikwani kubhadharira vazukuru vavo mari yechikoro. “Espcially isu ma penjeniya tichwana 120 saka haitokwani kana
kubhadhara mari yechikoro,” Ambuya Tabe vatsutsumwa. Vati, “Vezvikoro vakawanda varamba kutaura neStudio 7 vachiti havatenderwi nehurumende.”

Asi mutevedzeri wevanoona nezvekufambiswa kwemabasa mubazi rezvedzidzo yepasi, VaPatrick Zumbo, vati zvikoro zvavhurwa zvakanaka.

VaZumbo vati hazvisi pamutemo kuti zvikoro zvibhadharise mari yekunze chete nekudzinga vana vanenge vatadza kuibhadhara. “Hatina mutemo unomanikidza vanhu kubhadara mari yekunze , vabereki vanozvuiziva vakuru vezvikoro vanozviziva, vabereki vakasununguka kureporter kwatiri , tinotoda vabhadhare mari yemuno yavakasununga,”
Vadaro VaZumbo.

Asi mutungamiriri wesangano revadzidzisi reAmlagamated Teachers Union of Zimbabwe,(ARTUZ), VaObert Masaraurwe vati nyaya yekubhadhariswa kwemari yekunze yaita kuti vana vadzidzi vanodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana vatadze kuenda kuchikoro.

VaMasaraure vati, “Zvaitikia kuvhiurwa kwezvikoro zvinborwadza mukatarisa attendance nhasi yangaichisvika pa 60%, zvikoro mukatarisa nyaya yekubhdharisa vana nema US dollars yakutorambidza vana kudzidza nekuti vabereki vavo havana mari,”

Izvi zvatsinhirwawo nasachigaro wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ), mudunhu reMasvingo, VaEston Mathews. “Zvirikutadzisa cheroi vana vedu kuenda kuchikoro mukatarisa chero vana vema teacher vanotoda kutoendawo kuma boarding schools asi
maticha haasi kuhora mari yekunze irikudiwa,” VaMathews vadaro.

Zvikoro zvinogara vana munyika zviri kubhadharisa mari dzinotangira pamazana mana kusvika pamazana matanhatu emari yekuAmerica, apowo vevana vanobva kudzimba zvichinzi zviri kubhadharisa mari
dzinotangira pazana remadhora kune vava vari kusekendari.

Zvichakadaro, rimwe sangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe National Educators’ Union, ZINEU, rinoti varairidzi nevadzidzi vari pakati pezvikamu makumi mapfumbamwe nemakumi mapfumbamwe nezvishanu kubva muzana vakwanisa kuenda kuzvikoro nhasi pazuva rekutanga rekuvhurwa kwezvikoro.

Sangano iri riri kukurudzirawo kuti paitwe musangano weNational Joint Negotiating Council wechimbichimbi wekuzeya nyaya dzemihoro yevarairidzi kuitira kuti kunyorwa kwebvunzo dzegore rino kusakanganiswa nekukundikana kuenda kumabasa kwevarairidzi vachishaya mari dzekufambisa kuenda kumabasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG