Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Yokurudzira Kuti Zvikoro Zvinonoke Kuvhurwa Ichiti Munyika Hamusati Magadzikana, Hurumende Ichiti Nyika Yakagadzikana seMvura yeGuvi


Sangano reARTUZ .
Sangano reARTUZ .

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, riri kurudzira hurumende kuti inonoke kuvhura zvikoro nesvondo rimwechete, richiti munyika hamusati magadzikana kubva zvaitwa sarudzo mwedzi wapera.

Zvikoro zvinotarisirwa kuvhurwa neMuvhuro unouya, unove musi wa 04 Gunyana.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vanotiwo chimwe chikonzero chinofanirwa kutarisiswa nehurumende ndechekuti vabereki vakawanda vakakanganiswa gadziriro yekuunganidza mari dzechikoro nesarudzo vachiti vazhinji munyika vave kuzvibatira mabasa emaoko.

Vanotiwo varairidzi vakawanda vachatadza kudzokera kumabasa nekuda kwekushaiwa mari dzekufambisa, vachiti hurumende inofanirwa kugadzirisawo nyaya dzemihoro yevashandi vayo nekukasika.

"Nyaya yekuvhurwa kwezvikoro musi wa 04 inoratidza kushaya han'ya kwehurumemde yedu ne safety yevana ne safety yevarairidz," VaMasaraure vanodaro.

Asi vakafanobata chigaro chemutauriri webazi redzidzo yepasi, VaPatrick Zumbo, vanoti munyika makadekara semvura yeguvi, nekudaro hapana chikonzero chekushandura hurongwa hwekuvhurwa kwezvikoro.

"VaJonga, kutaura kunototiita kuti tishamisike chaizvo.Hongu sarudzo dzakaitwa dzakapera. Kana manga muri muno muZimbabwe muchaona kuti munhu mumwe nemumwe ari kungofamba murunyararo, ari kungoita basa murunyararo, saka chingatadzisa zvikoro kuvhurwa chii?" VaNobvunza VaZumbo.

Panyaya yekuti varairidzi vanogona kukundikana kudzoka kumabasa nekushaya mari uye kuti hurumende igadzirise nyaya dzemihoro, tabatawo gurukota rezvemabasa nevashandi, Muzvinafundo Paul mavima, avo vanoti varairidzi ndivo vakatokohwa pakuru pakuwedzerwa kwakaitwa vashandi mihoro nehurumende mwedzi mishoma yadarika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG