Kwakave kumakuwerere neMugovera wadarika apo zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara mumatunhu eD.C, Maryland, Virginia neWest Virginia muno muAmerica zvakaungana papurazi reChirandu riri mudunhu reMaryland pamabiko ekupemberera pamwe nekucherechedza zvizvarwa zveZimbabwe zvakabudirira muzvidzidzo zvazvo.
Mabiko aya akaitwa nesangano reCoalition for Zimbabweans in The D C Area, COZDA, senzira yekupembera pamwe nekucherechedza nayo vana veZimbabwe vakapedza zvidzidzo zvavo zvepamusorosoro munguva yekupisa kwedenda reCovid-19 pakati pa 2020 na 2023.
Mabiko aya akapawo mukana kuvanhu vakaungana wekuti vanzwe kuti vanokwanisa seyi kutanga mabhizimusi kana kudyara mari dzavo kumusha.
Vanhu vanodarika makumi matanhatu vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe nemadzisahwira azvo pamwe chete nemumiriri weZimbabwe muAmerica, Ambassador Tadeous Chifamba, nevamwe vashandi vemuzinda weZimbabwe vakaungana papurazi iri.
VaChitaura pamabiko aya, Ambassador Chifamba vakakurudzira vana veZimbabwe vari muAmerica kuti vashandise mikana neruzivo zvavari kuwana, vachipa muenzaniso wezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri mune mamwe matunhu emuAmerica, izvo zvavakati zvakatotanga mabhindauko akasiyanasiyana kumusha.
“Imiwo muri pakanaka pekuti munokwanisa kuitawo izvozvo. Mune mikana yekuwana mari dzakachipa, munokwanisa kunokwereta kumabhanga motanga mabhizimusi anokuwanisai mari.”
Ambassador Chifamba vakati kunyange hazvo Zimbabwe iri pasi pezvirango, zvirango izvi zviri kubva zvishoma nezvishoma.
“Kunyange hazvo tiri pasi pezvirango, ndinokuudzai semumiriri wenyu kuti zvirango izvi zviri kubva zvishoma nezvishoma. Manje manje munenge mave kukwanisa kuwana mukana wekuwana mari dzinopiwa nenyika ino dzekuti munokwanisa kutanga mabhizimusi nadzo,” vakawedzera Ambassador Chifamba vachidaro.
Vachipindura mashoko akataurwa naAmbassador Chifamba, sachigaro vebato rinopikisa reCCC mudunhu reNorth America, VaTawanda Svosve Dzvokora vanoti sebato vanotsigira nyaya dzebudirio.
"Nyaya yavakataura iyo inyaya inofadza. Sebato reTriple C tinotambira nyaya dzakadaro idzodzo nemufaro nemuremekedzo. Tiri vana veZimbabwe. Saka hatisi vaya vanoti kana isu tisiri tiri kutonga hakuchisina chinofanirwa kuitika kuZimbabwe. Tinotokurudzirawo," VaDzvokora vanodaro.
Mumwe akataura pamabiko aya ndiMuzvare Shingi Mangwiro, avo vanove muzvinabhizimusi vari muridzi wezvitoro zvinotengesa mbatya dzevana, zveTudiki zviri muHarare, uye vachitungamira sangano reWafamba Wapota.
Muzvare Mangwiro vakati sangano ravo rinobatsira vana veZimbabwe vanenge vachangosvika muAmerica vachiuya kuchikoro, uye kubatsirawo vari muno vanenge vachida kutanga mabhizimusi kumusha.
Doctor Fanuel Chirombo, avo vanove mumwe wevanhu vakabudiririra muzvidzidzo zvavo vakapembererwa, vanoti vakafadzwa chose nehurongwa kwakaitwa nesangano reCOZDA uhu vachiti vanotarisira kuti ichi chichave chiitiko chegore negore.
"Zvakaratidza kuti COZDA musangano wakarongeka, unodyidzana nemamwe mapato nekuti sapoti yavanowana kubva kune mamwe mapato zvinoratidza kuti chinangwa chavo ndechekuti vanhu vasimukire, uye vaseenze vari pamwe chete. Saka ini ndinotenda nemabasa eCOZDA nezvirongwa zvavo zvavanoita. Ngavarambe vakadaro," vanodaro Doctor Chirombo.
Mumwe achangopinda muAmerica kuzoita zvidzidzo zvake zvepamusorosoro paAmerican University muDC, Liberty Mapisa wekuZCC kuMasvingo, anoti mabiko aya akamupa mukana wekusangana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda, chinhu chaanoti akange asingatarisire.
"Takadzidza zvinhu zvakawanda pamutambo uyu kuti kushingirira kunoita kuti ukunde muzvidzidzo zvako. uye nyaya yekuvaka nyika yako, kushanda nesimba," anodaro Liberty.
Sachigaro vesangano reCOZDA, VaJonah Masiya, vanoti gungano ravo iri raive risineyi nezvematongerwo enyika uye vakakoka vekumuzinda weZimbabwe kuitira kupa vana veZimbabwe mukana wekuti vanzwisise zvavanokwanisa kuita kana vachida kutanga mabhizimusi kumusha.
Vakapembererwa mushure mekubudirira kwavo vanoti Liberty Mudzingwa, uyo akaita zvidzidzo zve Masters in Data Science paAmerican University, Concillia Hleziphi Mpofu uyo akaita Masters in Data Science paAmerican University, Vivian Moyana akaita zvidzidzo zve Master of Science in Sustainability Management paAmerican University, Doctor Fanuel Chirombo, Doctor Christina Cutlip, pamwe naRodney Sachiti uyo akaita zvidzidzo zveMechanical Engineering paUniversity of Maryland, Baltimore County.
Vanhu vakaungana pamabiko aya vakatandadzwa nemimhanzi kubva kuchikwata chemarimba chePolyphony Marimba Band chakabva kudunhu reNew Mexico muAmerica, icho chinoridza mimhanzi yekumusha.
Forum