Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chishanu, Chikumi 30, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Mutungamiri webato reZanu PF nenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vokurudzira boka remadzimai ebato ravo reWomen’s League kuti rishandise huwandu hwemadzimai munyika kutsvagira bato ravo rutsigiro kuti rikunde musarudzo dzemuna Nyamavhuvhu.

Zimbabwe Electoral Commission yotarisirwa kuburitsa mazita evanhu vane magwaro akatambirwa neNomination Court panguva iyo bato reZanu PF raenda kudare reElectoral Court nechikumbiro chekuti ZEC irambidze dzimwe nhengo dzebato reCCC muBulawayo kupinda musarudzo richiti dzakaendesa magwaro adzo nguva dzaivharwa matare ekutambira mazita evaida kukwikwidza dzadarika.

Bato re CCC kuBikita east ropomera Zanu PF mhosva yekuparadza zvibhorani zviri kuchereswa yavo iri kumira mudunhu iri musarudzo dzeparamende.

Murwere wekutanga kuvhurwa mwoyo pachipatara cheParirenyatwa mushure memakore mashanu anoti aive aine kutya kukuru kuti anogona kufa sezvo izvi zvaiva zvapedzisira kuitwa makore mashanu apfuura.

Varimi vegorosi vakakundikana kurima mahekiteya zviuru makumi mapfumbamwe kana kuti 90 000 hectares, avainge vakatarisirwa kurima egorosi remuchando gore rino.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, nhasi tine hurukuro nemuimbi wemusambo wedzechitendero akambotora zororo mukutsikisa mimhanzi asi adzoka zvakare nenziyo itsva, Amai Shingisai Suluma.

Nhamo yedzinhandare dzebhora muHarare yotarisirwa kupera kutanga svondo rinouya apo kanzuru yeHarare iri kuvhura nhandare yeRufaro kuti ichitambirwa zvakare nhabvu yepamusoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG