Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Chikumi 09, 2023


Misoro yenhau dzeShona.
Misoro yenhau dzeShona.

Dare repamusorosoro reConstitutional Court rinopa paramende vhiki rimwechete kuti ritarise mutemo wakaiswa muna 2022 unotaramari dzinobhadhariswa vanenge vachida kukwikwidza musarudzo dziri kuitwa muna Nyamavhuvhu gore rino, kana kuti nomination fees, idzo dziri kunzi nevakawanda dziri pamusoro zvakanyanya.

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vopomera nyika dzekumadokero nemapato anopikisa mhosva yekukwidza mitengo yezvinhu muzvitoro kuti vapandukirwe pasarudzo dzegore rino. VaMnangagwa vataura mashoko aya kuMasvingo kumusangano nevari kuvhota kekutanga musarudzo wakarongwa neYoung Women 4 ED.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, vanosangana nenhumwa dzemabhishopi emubatanidzwa weAll Africa Conference of Churches (AACC) idzo dziri kushanya munyika dzichisangana nemapoka akasiyana pamberi pesarudzo dzegore rino.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yotarisirwa mangwana Mugovera kupa ruremekedzo rwegamba renyika zviri pamutemo kuna mushakabvu, VaNdabaningi Sithole, kuChipinge uko vakaradzikwa muna 2000, vamwe vachiti izvi zviri kuitirwa kukwezva vanhu musarudzo dzegore rino.

Dare rehurumende yeAmerica mudunhu rekuchamhembe kwenyika iyi reFlorida nezuro rakapomera zviri pamutemo vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, mhosva yekusabata zvakakodzera magwaro ehurumende akakosha kana kuti classified documents pavakabuda pamuzinda weWhite House.

Vamwe vagari mumatunhu madiki akawanda mudunhu reMashonaland West nemunyika vanoti vari kutadza kurapwa mumakiriniki emakanzuru nekuda kwekutadza kubhadhara mari yekuchengetedzwa kana yebudiriro dzemakiriniki aya.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kukurukura nezvekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu kusina shumo, uye kuramba dhora remunyika roshaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7:00pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG