Accessibility links

Breaking News

Sangano reZvizvarwa zveZimbabwe Zviri muNharaunda yeDMV muAmerica, reCOZDA, Roitira Vakabudirira muZvidzidzo Zvavo Mabiko


Sangano reZimbabwe Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area (COZDA) rinomirira vari munharaunda yeD.C. muAmerica.
Sangano reZimbabwe Coalition For Zimbabweans in The D.C. Area (COZDA) rinomirira vari munharaunda yeD.C. muAmerica.

Rimwe sangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica, reCoalition for Zimbabweans in The D.C. Area, COZDA, rinoti riri kuronga kuitira vana veZimbabwe vakabudirira muzvidzidzo zvavo mabiko makuru ekupembera pamwechete navo mukubudirira kwavo muzvidzidzo zvavo zvepamusorosoro zvakasiyanasiyana zvakaita muAmerica.

Sangano iri rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri mumatunhu anoti D.C., Maryland, Virginia neWest Virginia.

Mabiko aya aifanirwa kuitwa munaChikumi, asi sangano iri rakazoaendesa mberi kumusi wa 12 Nyamavhuvhu, unove mwedzi uno.

Sachigaro veCOZDA, VaJonah Masiya, vanoti mabiko ekupemberera vakabudirira aya achabatanidzawo zvakare mukana wekuti vana veZimbabwe vanoda kutanga mabhizimusi kumusha vangazviita seyi kubva kumumiriri weZimbabwe, Ambassador Tadeous Chifamba nechikwata chavo chekumuzinda weZimbabwe muAmerica.

Mabiko aya anonzi achaitirwa kupurazi rechimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muAmerica, Muzvare Marcey Guramatunhu, reChirandfu Farm.

VaMasiya vanoti sangano ravo rakaona zvakakodzera kuti rironge mhemberero dzichaunganidza mhuri yeZimbabwe yose kuti ipembere pamwechete nevakabudirira muzvidzidzo zvavo kubva muna 2020 kusvika gore rino ra 2023, senzira yekucherechedza kushingirira kwavo kunyange vakasangana nedambudziko redenda reCovid-19.

Sachigaro veCOZDA, VaJonah Masiya.
Sachigaro veCOZDA, VaJonah Masiya.

"Chasvitsa kuti tisvike pakupemberera ndechekuti chinangwa cheCOZDA takatarisana nevana vanogara kuno ku diaspora ndechekubatanidza vana vanobva kuZimbabwe, mhuri dzinobva kuZimbabwe, uye nekupa vanhu mukana wekuti vafare nekuonana. Saka tinoda kuti tizadzikise chinangwa ichi nekuti tinoda kuti mhuri yeZimbabwe ibatane kana vari kunze kudai.

"Uyezve chimwe chinangwa chedu takaona kuti pakaitika denda reCovid 19 vamwe vakagirajuweta asi havana kumbopemberera ne community, saka toda kuti tizadzikise ipapo pakanga papotseka," VaMasiya vanodaro.

Vanoti vamwe vevana vakapedza zvidzidzo zvavo ava havana vabereki vari muAmerica nekudaro mhuri yeZimbabwe iri muAmerica ndiyo ichatora chidanho ichocho chekumirira vabereki.

VaMasiya vanoti sangano ravo richapa vakabudirira muzvidzidzo zvavo ava mibairo yekuvacherechedza nekuvaremekedza, uye vanoti hurongwa uhu kunyange hazvo huri kuparurwa gore rino, huchange huchizoitwa gore negore.

Rodney Sachiti, uyo akaita Chemical Engineering.
Rodney Sachiti, uyo akaita Chemical Engineering.

Chimwe chezvizvarwa zveZimbabwe zvakapedza zvidzidzo zvepamusorosoro zvakabudirira ndiRodney Masimba Sachiti, uyo akaita zvidzidzo zveChemical Engineering paUniversity of Maryland Baltimore County mudunhu reMaryland.

VaMasiya vanoti vakapedza zvidzidzo zvavo ava vachaziviswa kuburikidza nemashoko achatumirwa nenzira dzekushambadzwa kwemashoko dzagara dzichishandiswa nevana veZimbabwe vari munharaunda yeD.C., uye vanokokwawo zvakare kuti vatumire mazita avo kutsambambozha inoti COZDA@COZDA.ORG.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG