Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu Chivabvu 26, 2023


Misoro yenhau dzeShona
Misoro yenhau dzeShona

Mutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC), VaNelson Chamisa, vanoti sarudzo hadzigoni kufamba zvakanaka kana vatori venhau vachimbunyikidzwa vari pabasa uye vavimbisa kuti bato ravo richachengetedza vatori venhau pamisangano yaro zvisinei kuti vanoshandira kambani ipi.

Mapurisa orambidza mutungamiri weMDCT VaDouglas Mwonzora kuita musangano nevatsigiri kuNyanga mangwana achiti izvi zvinovhiringidza hurongwa hwekomisheni inoona nezvesarudzo hwekutariswa kwemazita mugwaro reveruzhinji kuri kutarisirwa kutanga mangwana akare

Vashandi veZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, vanoti havachakwanisi kuramba vachienda kubasa kwemazuva mashanu pasvondo.

Vamwe vagari vemumaruwa ekuMwenezi neChiredzi mudunhu reMasvingo vochema chema kuti vakatarisana nenzara yakakura gore rino, izvo zvasvitsa pakuti vakumbire rubatsiro rwechikafu kuti vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.

Mambo Chundu, VaAbel Mbasera, vangangosungwa zvichitevera kumhan'arirwa kumapurisa kwavakaitwa naVàPicture Chundu, avo vakambobata chigaro chaMambo Chundu.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nanyanduri achiri kusimukira, Victor Zivanai, uyo anosanganisa nhetembo dzake nemagitare.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kukurukurra nezvegungano reZIM-Expo, iro riri kutenga nhasi muAtlanta, guta guru re Georgia, muno muAmerica. Tichatarisawo nezvekutariswa kwemazita magwaro revavhoti kuri kutenga mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7:00pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG