Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Chivabvu 19, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Hurumende inotanga kuburitsa mumajeri vamwe vevasungwa vakanzwira tsitsi nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pasi pechirongwa chePresidential Amnesty, senzira yekuderedza huwandu hwevasungwa mumajeri.

Musangano waitwa nesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe unoratidza kuti kunyange hazvo vatori venhau vagadzirira kuburitsa mashoko pamusoro pesarudzo dzegore rino, kambani yeZimbabwe Broadcaasting Corportion (ZBC) haina zvikwanisiro zvekuti ikwanise kuita basa rayo nemazvo munguva yesarudzo.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvogadzirira gungano reZim-Expo regore rino, iro riri kutanga neChishanu chinouya muguta reAtlanta, mudunhu reGeorgia. Zim-Expo inobatanidza vanhu munyaya dzezvemabhizimusi, mitambo, nezvimwe zvakasiyana siyana.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nemuimbi wemusambo weZim Dancehall - anozivikanwa ne remagitare rekuti Fasterman. Fasterman anoti hupenyu hwake hwachinja kubva zvakaburitswa hurukuro yake paStudio 7 gore rakapera.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kuenderera mberi nekutarisa gadziriro yesarudzo dzegore rino. Tichatarisawo nezvekuregererwa kwevasungwa pamwe nemusangano waitwa nesangano reMedia Insitute of Southern Africa-Zimbabwe nemamwe mapoka ekuburitwa kwenhau wekutarisa kuti vatori venhau vakagadzirira zvakadii sarudzo dzegore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7:00pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG