Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Kubvumbi 28, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Sangano rinoferefeta huwori pasi rose, reSentry, rinoburitsa humwe huwori hunonzi huri kuitwa mukucherwa kwekuromu, kana kuti chrome, munyika pasina kana mwedzi nhepfenyuro yeAl Jazeera yaburitsa huwori hunotyisa hunonzi huri kuitwa mukutengeswa kwegoridhe pamwe nekucheneswa kwemari dzakasviba.

Mutungamiri webato reTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, avo vakabatwa nemhosva yekukurudzira kuratidzira zvine mhirizhonga mukati muna 2020, vanotongerwa kugara mujeri kwemakore mana.

Zimbabwe International Trade Fair inovhurwa zviri pamutemo nhasi nemutungamiri weEswatini, Mambo Mswati Vetatu.

Vamwe varimi vegorosi munyika vanoti vachatadza kurima sezvavanotarisirwa nekuda kwegoho shoma ravakaita mwaka wapera nekuda kwekushaikwa kwemagetsi ayo anovayamura pamadiridziro.

Vateveri vemutambo wenhabvu vatarisana nemachikichori emitambo kusanganisira mutambo mukuru weHarare Derby pakati peCaps United neDynamos, panguva iyo vamwe vanoita zvemitambo vari kuchema-chema nemari shoma dzinobhadharwa vatambi, vachiti zvinogona kukonzera kutengeswa kwemitambo.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kutarisa nezvehuwori hunonzi huri kuitwa mukucherwa kwekoromu munyika, hwaburitswa nesangano rinoferefeta huwori pasi rose, re Sentry. Tichatarisawo zvakare kuvhurwa zviri pamutemo kweZITF nhasi nemutungamiri weEswatini, Mambo Mswati Vechitatu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7:00pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG