Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu 21 Kubvumbi, 2023


Misoro yenhau
Misoro yenhau

Hurumende inowedzera vashandi vayo mari dzemihoro yavo iri mumadhora emunyika, pamwe nemari dzekubatsirikana dziri mumadhora ekuAmerica kutanga musi wa 01 Kubvumbi, unove mwedzi uno.

Asi vashandi vehurumende vari kuchema-chema nehwavanoti humbimbindoga hwehurumende pakungovawedzera mari yainoda zvisineyi nenhaurirano hurumende iri kuita zvainoda pasina wirirano.

Mutungamiri webato reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, nezuro vakasangana nemumiriri weBritain muZimbabwe, Amai Melanie Robinson, vakazeya nyaya dzine chekuita nesarudzo dziri kutarisirwa munyika gore rino.

Nhengo dzebato reCitizens’ Coalition for Change nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica voratidzira pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C., vachinyunyuta nehuwori mukuburitswa kwegoridhemunyika hwakafumurwa neAl Jazeera.

Apo pasi rose rinotarisirwa kucherechedza zuva reEarth Day mangwana, dzimwe nyanzvi dzinopa maonero adzo panyaya yekukakangiswa kuri kuitwa masango nenharaunda dzakasiyana-siyana munyika zvichinyanyokonzerwa nemabasa evanoita zvezvicherwa kunyanya vanochera goridhe zvisiri pamutemo.

Vamwe vagari vemudunhu reMashonaland West vanoti havasi kufara nemisangano yavanoti vari kuitiswa nerimwe sangano rinonzi rakazvimirira, reForever Associates Zimbabwe, kana kuti FAZiro rinonzi nevamwe nderevasori.

Asi Sangano iri rinoti riri kungobatsira chete kutsvagira mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa mavhoti musarudzo dziriko gore rino.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kutarisa nezvekuratidzira kwarongwa kuitwa nhasi nenhengo dzebato reCCC mudunhu reNorth America pamwe nezvimwe zvizvarwa pamuzinda weZimbabwe muWashington D.C., vachinyunyuta nehuwori hunonzi huri kuitwa mukuburitswa kwegoridhe munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG