Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu 14 Kubvumbi, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Nhepfenyuro yeAl Jazeera inoburitsa chikamu chechina, chinove chekupedzisira cheongororo yehuwori hunonzi huri kuitwa mukuburitswa kwegoridhe munyika pamwe nekucheneswa kwemari dzakasviba, mazita emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa pamwe nemhuri yavo achiburitswa zvakanya vachinzi vaipiwa chiokomuhomwe.

Ukuwo, gweta riri kumirira mumwe wevari kufumurwa nevhidhiyo reAl Jazeera, VaUebert Angel, Muzvinadundo Lovemore Madhuku, vaudza vatori venhau kuti VaAngel vati zviri kuburitswa neAl Jazeera mahumbwe uye zvakaitwa nevanhu vaida kusvibisa zita remutungamiriri wenyika nekukanganisa hupfumi hwenyika.

Remangwana rezvizvarwa zveZimbabwe zvinosvika 178 000 zviri pamagwaro eZimbabwe Exemption Permit muSouth Africa rove mumaoko edare repamusoro rePretoria High Court apo vatongi vedare iri votarisirwa kupa mutongo wavo panyaya iyi. Iyo yakanzwikwa mudare kwemazuva mana.

Vamwe vgari vekumaruwa vochema chema kuti vari kutyisidzirwa nevechidki veZanu PF kuti vatsigire bato ravo mushure mekutambira mashoko panharembozha dzavo ari kuvakurudzira kuti vatsigire mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa musarudzo dziri kuuya.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tine hurukuro nemuimbi achiri kusimukira wemusambo wesungura, Edson Kana, uyo anozivikanwa neremagitare rekuti Boss Shindie-Mwana Gokwe.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kuenderera mberi nekutarisa nyaya yehuwori huri kuitwa munyaya yegoridhe huri kuburitswa nenhepfenyuro ye Al Jazeera zvichitevera kubuda kwechikamu chekupedzisira chaburitswa nhasi.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG