Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu 31 Kukadzi, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Mamwe masangano enhau oramba akavhara miromo panyaya yehuwori hunonzi huri kuitika mukutengeswa kwegoridhe pamwe nekucheneswa kwemari dzinonzi dzinenge dzawanikwa nehuwori munyika zviri kuburitswa nenhepfenyuro yeAl Jazeera, panguva iyo vanozviti @Tinoedzazvimwe1 paTwitter, vanonzi mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vachinzi vakatyisidzira vatori venhau.

Mapurisa anoti agadzirira zvakakwana kuchengetedza runyararo munyika pamberi pesarudzo achiti aumba komiti ichafereferefeta nyaya dzemhirizhonga. Anotiwo achabvumidza mapato ose kuita misangano yawo pamberi pesarudzo idzi panguva iyo bato rinopikisa reCCC richiti harisi kubvumidzwa kuita misangano nevatsigiri varo.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, vakabatwa vaine mhosva panyaya yavange vachipomerwa yekushandisa mari yekutsvaga rutsigiro kubhadhara mumwe mudzimai aiita zvepabonde kana kuti "porn star", Amai Stormy Daniels.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino, tine hurukuro nemuimbi wemusambo weSungura – uyo unonzi nevamwe Museve, achiri kusimukira Joe Robert.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na8:00 manheru, nhasi tiri kuenderera mberi nekutarisa nyaya yehuwori huri kuitwa munyaya yegoridhe huri kuburitswa nenhepfenyuro ye Al Jazeera.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG