Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi, Chishanu Kurume 17, 2023


Shona Headlines
Shona Headlines

Sarudzo dzemaprimary dzebato reZanu PF idzo dzange dzichifanira kuitwa mangwana dzambomiswa sezvo pachine mamwe matanho asati apera kuitwa uyewo dare rePolitiburo yebato iri richaita musangano neMuvhuro kuti ritambire mazita evanhu vachakwikwidza sarudzo idzi.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, inowedzera nemazuva mashanu mazuva echirongwa chekunyoresa kuvhota, apo komisheni iyi iri kunzi iri kukundikana kuita basa sezvinotarisa nekuda kwezvimhingamipinyi zvinosangsnira kushaikwa kwemagetsi.

Vanhu makumi maviri nevaviri vanofungirwa kuti vakabatwa ne Cholera nezuro munyika zvoita kuti vanhu vanofungirwa kuti vane chirwere ichi vasvike pazana nemakumi maviri nemumwechete nyika yose.

Mamwe madzimambo mudunhu reMashonaland West anoti haasi kufara nemamwe makambani ari kuchera zvicherwa munzvimbo dzavo asi asingabhadhare mari yekuvandudza matunhu kusanganisira nzvimbo dzaanenge vachichera zvicherwa idzi.

Mutambi wetsiva wechidzimai, Kuda Chiwandire, otarisirwa kusvika muMexico manheru ano mushure mekumbomira muNetherlands kwezuva rimwe.

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino tinokupai hurukuro nemuimbi wemuambo weZim Dance Hall, Courage Mutakura, anozivikanwa mune zvemagitare nerekuti “Wasu” uyo ane dambarefu rinonzi “Chellamix Wasu Singles Collection” richangoburwa.

Muchikamu chedu che LiveTalk nhasi manheru na8:00pm, tiri kutarisa nezvechirongwa che ZEC chekunyoresa kuvhota, icho chawedzerwa nemamwe mazuva mashanu kusvika musi wa 26 mwedzi uno.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG