Accessibility links

Breaking News

America Yovhota muna 2020

Kubviswa kwaVaDonald Trump paChigaro Kwotsviriridza muAmerica

U.S. House: Debate on Impeachment Resolution
U.S. House: Debate on Impeachment Resolution

Dare re House of Representatives riri pakati pehurongwa hwekumisa basa nekusungisa mutungamiri weAmetica, VaDonald Trump, nemhosva yekukonzeresa mhirizhonga yakaitika paCapitol Hill svondo rapera.

Nhengo dze Democratic Party dziri kumira nerekuti dare iri riwane VaTrump vaine mhosva, uye dziri kutsigirwa nedzimwe nhengo dzebato re Republican Party.

Mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, vari kutarisirwa kutora mhiko svondo rinouya nemusi weChitatu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari muzvinafundo muAmerica, Doctor Moses Rumano, vanoti vanoona izvi zvichibudirira sezvo mhirizhonga yakaitika isati yamboonekwa ichikurudzirwa nemutungamiri wenyika muAmerica.

"Vanhu vazhinji vakatarisira zvichabuda pamusango wanhasi mudare. Nyika dzese pasi rose dziri kutarisa zvichabuda sezvo nyika yeAmerica ichizivikanwa nehutongi hwejechetere hwusingakurudzire mhirizhonga," Doctor Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weVoice of America Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Hurongwa hweKumisa Basa Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, Hotsviriridza

Vanhu vazhinji pasi rose vari kutarisa zvichabuda pakurudziro iri kuitwa nebato reDemocratic Party yekuti mutungamiri weAmerica, Va Donald Trump, vamiswe pamberi pedare vachitongwa nenyaya yekukurudzira vatsigiri vavo kuti vaite mhirizhonga svondo rapera

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri mudunhu rePennslyvania, Amai Audrey Maswela- Mpfumbu, vanoti vakarwadzikana nechiitiko ichi uye vanoshuwira kuti nyaya iyi igadziriswe sezvo zvakadayi zvange zvisingatarisirwe kuitika muAmerica.

"Zvino shungurudza kuwona mhirizhonga yakadayi ichiitika muAmerica umo munozivikanwa nenyaya yekuremekedza sarudzo, kuremekedza kodzero dzevanhu nehutongi hwejechetere," Amai Maswela-Mupfumbu vaudza Studi07.

"Izvi zvikatadza kugadziriswa zvichakonzera kuti dzimwe nyika dzitadze kuremekedza America,"Amai Maswela-Mpfumbu vaenderera mberi.

Dare rekongiresi riri kutarisira kuti mutevedzeri waVaTrump, VaMike Pence, vanogona kushandisa mutemo vodaidza dare remakurukota kuti kut ribude nehisungo chekuti VaTrump havakodzeri kuramba vari mutungamiri wenyika zvichitevera kukurudzira kwavakaita kuti paCapitol Hill paite mhirizhonga musi Ndira 06.

VaPence vakatadza kuita izvi, dare rekongiresi rinotanga hurongwa hwekusungisa VaTrump kuitira kuti vabviswe pachigaro chemutungamiri wenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kutambidzana Masimba muAmerica Koramba Kuchikonzera Mutauro

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari nhengo yebato reZanu PF, Va Simba Mujuru, vanoti havawoni pane chinotadzisa mutungamiri mutsva weAmerica, Va Joe Biden, kuti vagadzwe zviri pamutemo mwedzi unouya, kunyange hazvo mutungamiri we America, VaDonald Trump nedzimwe nhengo dzebato ravo re Republican Party, vachiri kupikisa zvakabuda musarudzo.

Electoral College yakatambira kuti VaBiden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri we America asi dzimwe nhengo dzebato remaRepublican naivo VaDonald Trump varikupikisa izvi.

"Zvatiri kuona zvichiitika ndiko kunonzi kutonga kwejechetere chaiko nekuti parizvino VaTrump vane vhumo yekupikisa zvakabuda musarudzo kana vasiri kufara nazvo asi chikuru chatirikuda kuwona ndechekuti vane rudo rwenyika yavo here pamoyo zvichaita kuti vasiye matomhu pasina bopoto mwedzi uno uya pachagadzwa VaBiden," VaMujuru vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

Vanoti vakatarisira kuti hurumende idzva yaVaBiden ichapa nyika yeAmerica hwaro hwekurwisa denda reCovid-19 rapfunya chisero munyika iyi asi zvinoda kuti veruzhinji vabatane nehurumende mukurwisa denda iri.

Vachitaura pamusoro pemakurukota adomwa naVaBiden parizvino VaMujuru vanoti varikufadzwa nenyanzvi dzapihwa mabasa parizvino uye vanetarisiro yekuti zvinhu zvicha sanduka muAmerica kusanganisira kudyidzana kwenyika iyi neZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaJoe Biden Voenderera Mberi Vachidoma Makurokota Avo

ថ្ងៃទី ២២ ខែតុលា ឆ្នាំ២០២០ រដ្ឋ Tennessee។
ថ្ងៃទី ២២ ខែតុលា ឆ្នាំ២០២០ រដ្ឋ Tennessee។

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vanoti vari kufara zvikuru nemakurokota adomwa naVa Joe Biden kuti vange vachishanda navo gore rino uya.

Doctor Rumano vanoti havawoni mutungamiri we America, VaDonald Trump, vachiramba kutambira zvakabva kuElectoral College iyo yakadoma mnemuvhuro kuti vajoe biden ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Doctor Rumano vanoti kunyange hazvo VaTrump pari zvino vari kuramba vakatsika madziro kuti sarudzo dzakabirwa, vanowona hurongwa hwekutambidzana masimba huchienderera mberi zviri pamutemo sezvakataurwa nemukuru we Republican party mudare re Senate, Va Mitch Mcconnell.

"Pari zvino VaTrump vavakungo tanda nyadzi asi vanoziva kuti vakakundwa uye vanofanirwa kunge vave kugadzirira kuti vatambidze masimba kuna VaJoe Biden pasina mvongamupopoto sezvo Electoral College yakazivisa kuti VaBiden ndivo vaka kunda." Doctor Rumano vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Dare reElectoral College Rotarisirwa Kudoma VaBiden Zviri paMutemo Munzira Yavo Yekunotoreswa Mhiko Yekutungamira America

Biden Trump combination picture
Biden Trump combination picture

Nhengo mazana mashanu nemakumi matatu nemasere kana kuti 538 dzedare rinozivikanwa nekuti Electoral College dzakatanga kuvhota nemusi weMuvhuro kuti dzisarudze zviri pamutemo vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats.

Asi kune mamwe matunhu kunonzi kuri kutyirwa mhirizhonga sezvo vamwe vatsigiri vemutungamiri wenyika VaDonald Trump vasiri kufara vachiti sarudzo dzakabirirwa kunyangwe vari kukundikana kuuya nehumbowo kumatare.

VaTrump vari kungonyorawo padandemutande reTwitter kuti vakakunda kunyangwe ari manyepo. Dare reCongress richatambidzwa zviri pamutemo zvinenge zvabva kuElectoral College musi wa 6 Ndira.

Mamwe maRepublicans anonzi ari kudazve kuyedza kuvhiringidza VaBiden mudare reHouse Of Representatives asi izvi zvinonetsa nekuti maDemocrats ndiwo akawanda mudare iri.​

VaBiden avo vari kumba kwavo muguta reWilmington, Delaware vari kutarisirwa kutura mashoko kunyika manheru eMuvhuro ano nezveElectoral College uye kusimba kwehutongo hwejekerere muAmerica.

Nyaya dzezvematongerwo enyika Va Frank Chatonda vari kuSouth Carolina, muAmerica vanoti vari kutarisira kuti VaBiden vachasvitsa mavhoti anodiwa sezvo matunhu achisungirwa kutevera zvakabuda musarudzo dzemusi wa 3 Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



.

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG