Zvechitendero
‘Kusiyana Kwemazuva Ekunamata Hakurevi Kuti Kune vaMwari Vakasiyana’ - Father Norman Tembo
Zvichitevera mubvunzo wakabva kune umwe mutereri wechirongwa kweZvechitendero, uyo anoda kuziva kuti kunamata pamazuva akasiyana kunoitwa nevechitendero chechiKrustu, kunoreva here kuti kuna vaMwari vakasiyana.
Mutereri anoda kuzivavo kuti chikonzero chekunamata mumazuva akasiyana kudai kwakatanga sei.
Reverend Father Norman Tembo, veAnglican Church, vanoshanda vari munharaunda yeGlendale/Mazoe, vanotsanangura vachiti kusiyana kwemazuva ekunamata hakurevi kuti vanhu vari kunamata vaMwari vakasiyana.
Father Tembo vanoti vanhu havasi kunamata vaMwari vaviri asi kuti zvinoenda nokuti vanhu vari kubatirira pane dzidziso ipi, yechitenderano chekare here kana kuti yechitenderano chitsva, kana kuti Old Testament kana New Testament.
Vanoti izvi ndizvo zvinokonzera kuti tivone vamwe vachinamata musi weMugovera sezvo kereke yavo ichikoshesa tsika dze chiJudha.
Father Tembo vanoti mazuva ose ndeaMwari, naizvozvo hatinamati Mwari nemusi weSvondo kana nemusi weMugovera chete asi tinokurudzirwa kunamata Mwari mazuva ose.
‘MaUnifomu EmaKereke Anopesanisa Vatendi’ – Mufundisi Rebecca Makayi
Zvichitevera mubvunzo wakabva kumutereri wechirongwa che zvechitendero pamusoro pemakereke anoti vatendi vavo vapfeke kana kufukambatya dzakafanana, kana kuti ma’uniform’, Mufundisi Rebecca Makayi vanotsanangura kuti, sekuziva kwavo, izvi zvakaitirwa kuti vatendi vaise pfungwa dzavo muminamato nekukudza Mwari vasingapedzi nguva vachitarisa zvakapfekwa nevamwe vatendi mukereke.
Asi Mufundisi Makayi vanoti nyaya yema’uniform’ yavekuparadzanisa vatendi vanofanirwa kushandisa nguva yavo vachirumbidza nekunamata Mwari vakabatana.Vanoti ma’uniform’ anokonzera kuti vatendi vatsvake vamwe vakafuka mbatya dzakafanana nedzavo, vachiona vatendi vedzimwe kereke sevanhu vasiri vatendi vanotambirwa naMwari.
Vanoti kune dzimwe nyika, dzakaita seAmerica, vatendi havana ma‘uniform’ avanofuka.
Mufundisi Mandisodza Vanopindurana NeVatereri Panyaya YehuN’anga
Zvichitevera mhinduro yakapiwa naMufundisi Oliver Mandisodza kumutereri, Clever Chokuda, pamusoro pen’anga, vamwe vatereri vakapindavo munyaya iyi.
Mufundisi Mandisodza varikutsinhidzira mashoko emu Bhaibheri uye pamire chitendero maererano nenyaya yen’anga.
“N’ganga Hadzisi Muhurongwa HwaMwari” - Mufundisi Oliver Mandisodza
Mutereri weZveChitendero, Clever Chokuda, anoti kazhinji achiona n’anga dzichirapa munhu arumwa nenyoka nekuti chipatara chinenge chiri kure.
Chokuda anoti akaona n’anga dzichirapa vanhu vakange varasika pfungwa, naizvozvo anoda kunzwisisa kuti sei vemaKereke vachituka nekuseka n’anga, vachiti n’anga dzinoshandiswa nemweya yetsvina asi, nedzimwe nguva, n’anga idzi dzichibatsira vanhu zvatinoona nemaziso edu.
Reverend Oliver Mandisodza vanoti mhinduro kumubvunzo uyu, dzizere muBhaibheri, semuna Revitico 19:26-31, nemamwe mabhuku.
Mufundisi Mandisodza vanoti, n’anga hadzisi muhurongwa hwaMwari.
ChiKristu Chinotii Pamusoro Penyaya Yekupiswa kweVafi?
Tsika yekupisa vafi yagara iripo kwezviuru nezviuru zvemakore asi mazuva ano vanhu vazhinji varikupiswa pachinhambo chekuti mitumbi yavo idzikiswe muguva.
Izvi zvinokonzerwa nezvinhu zvakawanda, zvinosanganisira kushaikwa kwenzvimbo dzemakuva, kutevedzera tsika dzemhuri nenyika, pamwe chete nekuedza kudzivirira kupararira kwezvirwere.
Vamwe vanoti kupisa vafi haisi tsika yechiKristu, vamwe vachiti hazvina mhosva.
Mufundisi Doctor David Simango vanopindura mubvunzo uyu wabva kune umwe mutereri, vachitsanangura pamire chiKristu panyaya iyi.
Facebook Forum