Vatsigiri veMDC voratidzira padare ramejasitireti muHarare vachiratidza kutsamwa nekunonoka kuiswa kudare iri kwemumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala.
Mumiriri weZengeza West uye vari mutevedzeri wasachigaro weMDC, VaJob Sikhala, vanosungwa vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende zvichitevera mashoko avanonzi vakataura pamusangano wakaitwa kuBikita kuMasvingo mukupera kwesvondo.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti vachawedzera vashandi vehurumende mari pamberi pemusangano wavo nevashandi ava mangwana.
Meya weBulawayo, VaSolomon Mguni, vanobuda mumusangano wavaita negurukota remhando dzemoto, VaFortune Chasi, zvichitevera kupesana kwavo pahurongwa hwehurumende hwekuda kuparadza zvivakwa zviviri zveZesa zviri muguta reBulawayo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanotumira mashoko ekukorokotedza America muzuva rayo rekuwana kuzvitonga.
Hurumende yoronga kuvandudza mutemo unobata kudzivirirwa kwenyika kuitira kuti ikwanise kubhadhara vaimbove varwiri verusununguko mari dzinoenderana nemari inotambirwa nemusoja ane nyembe dzameja, uye kuti vabhadharirwe mari kana vachinge varwara kana kufa.
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoudza kutambura kuri kuita veruzhinji munzvimbo dzinogara veruzhinji muguta reHarare.
Hurumende yozadza mapurisa mumigwagwa ichityira kuratidzira kwange kwadaidzirwa nesangano reTajamuka uku gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika richiyambira kuranga vose vanoratidzira.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nemadzishe ekuMatabeleland neMidlands vachizeya nhunha dzematunhu aya pamwe nenyaya yeGukurahundi mumusangano warambidzwa vatori venhau kunzwa zvanga zvichiitika.
Vagari vekuDomboshawa voita musangano wechimbi chimbi wekuzeya danho rakatorwa nehurumende rekuti kambani yeku China itange mugodhi wematombo izvo zvichaita kuti vanhu vakawanda vatamiswe kubva munzvimbo dzavanogara.
Hurumende inoti vanotumira mari dzavo vachishandisa Western Union kana Moneygram havafanirwe kutyira kuti mari idzi dzinotambirwa muZimbabwe dzava ma RTGS sezvo mutemo usina kuchinja izvo zvichita kuti vari munyika varambe vachitambira mari idzi dziri mumari yekunze kwenyika.
Vamwe vane zvitoro zvinotengesa zvinhu zvakasiyana siyana munyika vanoti vari kuramba kuteerera zvakatarwa nehurumende nezuro zvekuti vatengese zvinhu zvavo vachishandisa mari yemunyika chete, kwete kuti vatengese nemari dzekunze kwenyika.
Rodhai zvimwe