Mutori wenhau, uye achiita zvemitambo, Samantha Kureya, uyo anozivikanwa nerekuti Gonyeti, anotorwa kumba kwake nemapurisa ndokuendwa naye kukamba yeHarare Central Police station, asi azoregedzwa achidzokera kumba kwake.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika voshoropodza mashoko emutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa ekuti vachaita kuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vabviswe pachigaro zviri pamutemo kana vakasabvuma kuita nhaurirano nekukasika.
Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vanoparura hurongwa hwemari vanhu vakawanda vachiti zvinhu hazvina kunyatsovajekera pahurongwa hwaturwa uhu.
Dare reConstitutional Court rinoti kushandiswa kwemauto nemapurisa sevachuchisi vehurumende mumatare edzimhosva hazvisi pamutemo.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vanomisa basa vakuru vemauto vana paine tarisiro yekuti vachapiwa mabasa ekumizinda yeZimbabwe kunze kwenyika..
Huwandu hwevanhu vanonzi vakafira kumugodhi weku Battlefields musi weChipiri manheru hunonzi hunogona kudarika zana hurumende ichiti yatara tsaona iyi sensational Disaster, izvo zvichaona mhuri yemufi wega wega achipihwa chiuru chemadhora negumbeze pamunhu wega wega.
Mutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vanorangarirwa nhasi zvichitevera kushaya kwavo musi wa 14 Kukadzi gore rapera nechirwere chegomarara. VaTsvangirai vakashayikira muchipatara chekuSouth Africa.
Muparamende munomboita bvongamupopoto apo mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, pamwe nemumiriri weChegutu West, Va Dexter Nduna, vakandirana makobvu nematete zvichitevera kunetsana kwavakaitana zvakare nezuro.
Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John mangudya, vanoramba kuti nyika iri kuparura mari yayo svondo rino, vachiti Zimbabwe haina hurongwa hwakadaro munguva pfupi inotevera
Dzimwe nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzakabvisiswa mari yechibatiso dzinosungwa zvakare apo dzaenda kumapurisa kunozviratidza sezvakatarwa nematare edzimhosva apo dziri kutongwa dzichibva kumba.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanotadza kuenda kunobatana nevamwe kumusangano wenhaurirano wakokerwa nevemachechi asi vachitumira nhumwa yavo uye vari sachigaro weZanu PF Amai Oppah Muchinguri Kashiri, kuti vavamirire pamusangano uyu, uyo wapindwawo nemutungamiri weMDC VaNelson Chamisa.
Rodhai zvimwe