Hurumende iri kushushikana zvikuru nehurongwa hwebato rinopikisa reMDC hwekuratidzira nemusi weChishanu
Sangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association ranyora tsamba kuhurumende richiizivisa kuti vanachiremba vari kuzombomira kuenda kubasa sezvo mari dzavo dzisisakwane.
Bato reMDC rinoti kuratidzira kwarakaronga kuti kuitwe neChishanu kuri kuenderera mberi zvisinei nemashoko ari kutenderera ekuti kuratidzira uku kwakanzurwa.
Rudzi rwevaShona urwu rwakatanga kupinda muKenya mugore ra1962 rwuchitungamirirwa naVaJohanne Masowe, avo vaifamba vachiparidza shoko nechechi yavo yepositori yeJohanne Masowe.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varumbidza mauto nekuchengetedza kwaari kuita runyararo munyika.
Sachigaro wevechidiki mubato reMDC, Va Tererai Obey Sithole, vanoti vachange vaine vanhu vachange vachichengetedza runyararo kuitira kuti kuratidzira uku kusaite mhirizhonga.
Nhengo dzebato reMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reNorth America dzinoti dziri kuronga kuratidzira kumuzinda weZimbabwe muWashington D.C. nemusi weChishanu svondo rino dzichitsigira dzimwe nhengo dzebato iri dzicharatidzira muHarare pazuva rimwe chetero.
Apo Zimbabwe iri kucherechedza zuva remagamba vamwe vanoti zvakarwirwa muhondo yerusununguko zviri kuzadzikiswa, asi vamwe vachitiwo kutambura kuri kuita vana veZimbabwe, chiratidzo chekuti nyika haisisiri mugwara raitarisirwa nevakarwira nyika.
Dzimwe mhuri dzemagamba akafa muhondo yemuChinhoyi iyo yakatangisa hondo yechimurenga chakaunza rusununguko munyika dzinoti dzinofanirwa kupihwa ruyamuro sezviri kuitwa hama dzemamwe magamba.
Kudzimwa dzimwa kuri kuitwa magetsi neZESA munyika yese kuchavhiringidza hutano hwevanhu vakawanda nokuti vanhu vazhinji havasi kuwana zororo sezvo varikushanda nguva dzavanenge vachifanira kunge vakazorora.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vakurudzira kuti munyika muve nerunyararo uye kuti musaitwe zvemhirizhonga vachiti hurumende yavo iri kuedza kugadzirisa matambudziko ese akatarisana nenyika.
Chikwata cheTriangle chakashura mare nezuro mumakwikwi eCAF Confederation Cup mushure mekudambura chikwata cheRukinzo chekuBurundi.
Rodhai zvimwe